Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatsirwa neAfrica CDC Kukwenenzvera Hunyanzvi hweKuvheneka Mhando dzeCovid-19


Mukuru anoona nezvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti Zimbababwe yabatsirwa ne Africa Centre for Disease Control and Prevention kudzidzisa nyanzvi uye kuwana michina yekuvheneka mhando dzeCovid-19 dzinenge dzichitenderera munyika senzira yakakosha yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Asi vati havo Zimbabwe ichiri kuendesa zvimwe zvainenge yawana kuSouth African National Bioinformatics Institute (SANBI uko kune hunyanzvi hwepamusoro soro.

World Health Organization iri kushanda neSouth Africa kusimudzira hunyanzvi hwekuvheneka mhando dzeCovid19 uye nyika gumi neina dzekuchamhembe kweAfrica dzinenge dzichitumira zvadzawana kunyika iyi.

Dr Mahomva vaudza Studio 7 kuti parizvino paongororo yavakaita mhando yeomicron ndiyo iri kunyanya kutenderera munyika.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 5 294.

Vanhu makumi manomwe nevashanu vakabatwa nechirwere ichi neSvondo zvakare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nevasere zvine mazana makumi mashanu nevana kana kuti 228 254.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi mana nemaviri zvine mazana matatu nemakumi manomwe nemumwe kana kuti 4 242 371 vabayiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga.

Vabayiwa kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi manomwe nemazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti 3 270 260, Vabayiwa nhomba katatu sezvave kukurudzirwa vave zviuru makumi mana nemaviri zvine mazana manomwe nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 42 773.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG