Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Mukuyedza Mushonga Mutsva weKudzivirira Kutapurirwa HIV


 HIV.VACCINATION
HIV.VACCINATION

Sangano riri kuita tsvakurudzo dze mushonga wekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwe HIV hunokonzera Aids re HIV Prevention Trials Network (HPTN) raburitsa gwaro rinotaura kuti raunganidza vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana maviri kuti vashandise mushonga weHPTN 084 senzira yekuona kuti uri kushanda here mutsvakurudzo dzavari kuita.

Vari kupinda muchirongwa ichi vari pakati pemakore gumi nemasere kusvika pamakumi mana nemashanu Vanhu vasarudzwa ava vanobva kunyika dzinosanganisira Zimbabwe, Kenya, Malawi, Botswana, South Africa neSwaziland.

Mushonga uyu uru kutarisirwa kuti urerutse hupenyu hwevanonwa mushonga wekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwe HIV sezvo uchinzi unotorwa kamwe chete pamazuva masere kusiyana neuri kushandiswa mazuva ano unofanira kutorwa zuva rimwe nerimwe.

Nyanzvi munezve hutachiwana hwe HIV nechirwere che AIDS, Doctor Frank Guni vanoti chirongwa chrudzi urwu chinogona kutora makore anosvika makumi maviri zvichienderana nekuti tsvakurudzo yacho inenge ichifambiswa sei.

Vanotiwo kune matanho akawanda anofanira kutevedzwa kuti mushonga uzonzi watambirwa kuti ushandiswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG