Accessibility links

Breaking News

Vaive Muchirongwa cheYALI Vobatsira Vamwe Vavo Vechidiki


yali mutare
yali mutare

Sangano revechidiki rinozivikanwa nekuti Young African Leaders Intiatives, YALI Jumpstart Zimbabwe rinoti riri kuita misangano yekubatsira vezera iri kuti vakwanise kuzvimirira munyaya dzakasiyanasiyana dzekusimudzira hupenyu hwavo kuburikidza nemabasa emaoko avanoita.

Mukuru weJumpStart Zimbabwe inoshanda iri pasi peYALI Creatives, VaTinotendaishe Gambahaya, vanoti vari kufamba vachibatsira vechidiki vane matarenda mumatunhu emunyika.

Vachitaura pamusangano waitirwa maMutare, VaGambahaya vati sangano ravo rashanda nevevchidiki vakawanda mukuvasimudzira mumabasa avanoita kusanganisira vane mabhizinesi madiki, vaimbi, pamwe nevanyori vachiri kusimukira.

VaGambahaya, avo vaive mumwe wevechidiki vemuZimbabwe vakange vari kuAmerica pasi pehurongwa hweYALI mugore ra2015, vati vechidiki vanosungirwa kushandira shanduko yavanoda munyika kwete kutarisira kuitirwa zvinhu nevamwe.

Mumwe wevachidiki vanoshanda nesangano reMedia Institute for Southern Africa, MISA-Zimbabwe, VaSamuel Dodo, vatiwo vechidiki vane mikana yakawanda kana vakashanda pamwechete vachipana mazano ekuzvisimudzira mune zvese zvavanoita kwete kugarira maoko vachikwanisa kushandisa masaisai aveko eindaneti.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Evenmore Kamombe, vatiwo vanhu vazhinji vari kukanganisa chimiro chavo nezvavanenge vanyora kana mufananidzo yavanenge vaisa padandemutande reinternet.

Sangano reYALI Creatives riri kuita misangano yakadai kuBulawayo, Gweru, Harare, Chinhoyi nekuVictoria Falls.

Sangano reYALI, iro rave kunzi Mandela Washington Fellowships, rakaumbwa mugore ra2012 nevaimbove mutungamiriri weAmerica, VaBarack Obama, nechinangwa chekusimudzira vechidiki vane matarenda akasiyana-siyana muAfrica kuti vazove vatungamiriri vamangwana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG