Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yakaramba Kubatsirwa neSouth Africa Kudhinda Mapasipoti


Hurumende yeZimbabwe inoti ichokwadi kuti yakaramba kutambira rubatsiro rwemichina inodhinda mapasipoti. Zimbabwe inoti yakanga yanzi nehurumende yeSouth Africa ishandise michina iyi mukubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvisiri pamutemo kuti zviwane mapasipoti.

Rimwe remakurukota ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vanoti hurumende yeZimbabwe yakatora danho iri senzira yekuzvidzivirira.

Asi Amai Makone vanoti ivo pachavo vakarwadziwa nedanho iri, sezvo richiomesera vana veZimbabwe vanga vanzi vawane mukana wekugara muSouth Africa zviri pamutemo.

Muchina wakanga wanzi Zimbabwe ishandise unonzi unokwanisa kudhinda mapasipoti zviuru zvina pazuva, sezvo Zimbabwe iri kunzi iri kudhinda mapasipoti mazana mashanu pazuva echirongwa cheSouth Africa ichi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti vanofunga kuti danho iri harisi rehurumende, asi kuti ndere Zanu PF, iyo iri kutya kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvakadzoka munyika, inorasiswa pasarudzo.

XS
SM
MD
LG