Accessibility links

Breaking News

North Korea Ichagadzirira Mitambo Yayo yeWorld Cup muZimbabwe


Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti Zimbabwe yakagadzirira kushanya kwechikwata chenhabvu chekuNorth Korea, icho chichagadzira mitambo yacho ye 2010 World Cup chiri munyika.

Mitambo yeWorld Cup iri kuitirwa muSouth Africa kutanga musi wa 11 Chikumi, ichipera musi wa 11 Chikunguru.

Hurumende inoti mitambo yeNorth Korea ichafamba zvakanaka muZimbabwe kunyange hazvo paine vamwe vanhu vanoti vachaedza kuvhiringidza mitambo iyi sezvo vasiri kufara nekuti chikwata cheNorth Korea chiri kubva kunyika yakabatsira mukudzidzisa basa mauto anonzi akauraya vanhu vazhinji muMatebelelanda panguva yegukurahundi.

VaMzembi vanoti zvematongerwo enyika hazvinirwe kunge zvichipindira munyaya dzemitambo sezvo izvi zvichitadzisa kufambira mberi kwemitambo isineyi nezvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG