Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yobatsira Vanoshaya Kuti Vafarewo paKisimusi


VaMorgan Tsvangirai

Boka revechidiki rebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti rine hurongwa hwekubatsira dzimwe mhuri dzenhengo dzebato iri kuti dzive nezororo reKisimisi negore idzva rakanaka.

Boka revechidiki rebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti rine hurongwa hwekubatsira dzimwe mhuri dzenhengo dzebato iri kuti dzive nezororo reKisimisi negore idzva rakanaka.

Panguva yezororo kudai vanhu vakawanda vanenge vachifara vachidya nekunwa vari pamwe chete nemhuri dzavo.

Asi nekuziva kuti kune vamwe vanotadza kuita izvi nekuda kwekushaya,vamwe vechidiki veMDC T vakaita hurongwa hwekutenga chikafu pamwe nezvimwe zvakasiyana siyana siyana, izvo vari kuzopa dzimwe mhuri dzenhengo dzavo dziri mumatambudziko akasiyana-siyana

Munyori wezvehutano nekuchengetedzwa kwevana muMDC T Youth Assembly, arizve mutauriri wechirongwa cheMDC T Christmas Goodies Initiative, Muzvare Vimbai Mavherudze, vanoti chirongwa ichi chakatanga muna 2012 uye mhuri dzevanhu gumi ndidzo dzichabatsirwa gore rino.


Zvinhu zvinokosha mari inopfuura zviuru zvitatu zvemadhora zvinosanganisira zvekudya pamwe nema-uniform evana vechikoro, zvichagoverwa kuvanhu gumi ava kana kuvamiriri vavo pachiitiko chichaitwa pamuzinda MDC T muHarare mangwana.

Vamwe vachawana rubatsiro urwu vanosanganisira mhuri dzaMuzvare Yvonne Musarurwa, avo vanove mutevedzeri waOrganising Secretary muboka revechidiki naVaTungamirai Madzokere.


Munguva pfupi yapfuura vaviri ava pamwe chete naVaLast Maingehama vakatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekubatwa nemhosva yekuuraya mupurisa Inspector Petros Mutedza mugore ra2011. Asi vatatu ava vairamba mhosva yavari kutambira, uye magweta avo ari kupikisa nyaya iyi mumatare.

Mutevedzeri wemutauriri weboka revechidiki veMDC T, VaVusumuzi Moyo, vanoti kunyange hazvo bato ravo rine bazi rinoona nezvekubatsira nhengo dzaro nenzira dzakasiyana-siyana, vechidiki vebato iri vakazviona zvakakosha kuita chirongwa ichi senzira yekuratidza kukoshesa gwara rebato iri rekutsigira nekusimbisa vanhu vanenge vari mumatambudziko.

Mutauriri webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vabvuma kuStudio 7 kuti chiitiko ichi chiri kuitwa pamuzinda webato ravo mangwana vakarumbidza vechidiki vebato ravo nedanho iri rekubatsira dzimwe nhengo dzebato ravo.

XS
SM
MD
LG