Accessibility links

Breaking News

Munyori Ane Mukurumbira, Doctor Charles Mungoshi, Vashaya


Writer Charles Mungoshi
Writer Charles Mungoshi

Munyori wemabhuku ane mukurumbira munyika nepasi rose, Dooctor Charles Mungoshi, vashaya mambakwedza eMugovera kuchipatara cheParirenyatwa muHarare.

Doctor Mungoshi vanga vave nemakore makumi manomwe nerimwe.

Vakarwara kwemakore anosvika gumi nechirwere chekuwanda mvura mumusoro, uye vafa mushure mekuvhiyiwa kechitatu svondo rino.

Dangwe raVaMungoshi, VaFarai Mungoshi, vanoti vakambovhiyiwa kaviri asi hurwere hwavo hwakaramba huripo kusvikira svondo rino pavazovhiyiwa kechitatu.

Mutauriri wemhuri yekwaMungoshi, Muzvare Tendayi Madondo, vanoti haisi mhuri yekwaMungoshi yarasikirwa chete, asi kuti nyika nepasi rose yarasikirwa nemunyori wemabhuku aizivikanwa pasi rose.

Muzvari Madondo vanoti VaMungoshi akanyora zvakanwisa mvura Mambokadzi weBritain, Queen Elizabeth The Second, uyo akavakoka kuBritain kuzovachingamidza.

Muzvare Madondo vanoti vazivisa hurumende nezvekushaya kwaVaMungoshi.

Vanyori vakawanda vanoti VaMungoshi vanofanirwa kupihwa ruremekedzo rwegamba renyika sezvo vakashanda zvakasimba mukusimudzira dzidzo yemunyika kuburikidza nemabhuku avo aishandiswa muzvikoro.

Vachinyora padendemutande reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati vatambira nekusuwa kukuru mashoko ekushaya kwaVaMungoshi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vaisawo mashoko paTwitter vachiti mhuri yeMDC iri kuchema "gamba Charles Mungoshi" avo vakaita basa guru vachiri vapenyu. VaMafume vati mhuri yeMDC iri kurangarira mhuri yekwaMungoshi yarasikirwa.

Mumwe munyori ane mukurumbira, Aaron Chiundura Moyo, anoti Doctor Mungoshi vanofanirwa kuremekedzwa zvine mutsindo.

Izvi zvatsigirwa nasachigaro we Zimbabwe Writers Association, Muzvare Monica Cherumupambawashe, avo vanoti mufi akavaka nyika nezvinyorwa zvake.

Mumwe muvakidzani waVaMungoshi, Gogo Martha Chakwizira, vanoti Doctor Mungoshi vanga vari munhu akanaka uyo ayiwana zvekunyora mumagariro evanhu.

Doctor Mungoshi vakanyora mabhuku gumi nemasere, uye vakawana mibairo yakawanda inosanganisira miviri yeCommonwealth Writers’ Prize of Best Book in Africa neNOMA Award for publishing in Africa.

Mamwe emabhuku akanyorwa naVaMungoshi anosanganisira Makunun’u Mawodza Moyo, Ndiko Kupindana Kwemazuva, Inongove Njakenjake, Waiting for the Rain, Coming of the Dry Season, Branching Streams Flow in the Darkness, Stories From A Shona Childhood.

Mungoshi akaberekwa kuManyene kuChivhu muna 1947, uye vakashanda kuLiterature Bureau, Zimbabwe Publishing House, kuHerald Newspaper, uye vakamboita Writer In Residence paUniversity of Zimbabwe.

Muna 2003 VaMungoshi vakapihwa honorary doctorate degree neUniveristy of Zimbabwe.

Mufi achanoradzikwa kumusha kwake kuManyene kuChivhu nemusi weChipiri.

VaMungoshi vasiya mudzimai, Jesesie, uyo anoita zvemitambo nevana vashanu nevazikuru vanomwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG