Mutumbi wemunyori ane mukurumbira pasi rose, Doctor Charles Mungoshi, waradzikwa kuManyene kuChivhu mudunhu reMashonaland.
Vachitaura vakamirira hurumende pakuradzikwa kwaDoctor Mungoshi, mutevedzeri wegurukota rezvemitambo, tsika nemagariro evanhu, Muzvare Yeukai Simbanegavi, vati VaMungoshi igamba renyika ino nepasi rose.
Muzvare Simbanegavi vati gamba haridi kunyorwa kuti igamba, asi mabasa emunhu akanaka semabasa aVaMungoshi, ndiwo anoita kuti munhu aitwe gamba.
Muzvare Simbanegavi vati munhu wese akamboenda kuchikoro akambosangana nerimwe remabhuku akanyorwa naDoctor Mungoshi.
Vachitaura vakamirira vanyori, munyori ane mukurumbira, VaMusaemura Zimunya, vati munhu akamboenda kuchikoro wese anofanirwa kunge akamboverenga rimwe remabhuku aVaMungoshi izvo zvinoratidza hudzamu hwakaita zvinyorwa zvavo.
Vataura vakamirira mhuri yekwaMungoshi, VaDavid Mungoshi, vati chimwe chinhu chisingazive vanhu vakawanda ndechekuti Doctor Charles Mungoshi vaive munhu ayiverenga zvikuru. Vatiwo kuti munhu ave munyori ane mukurumbira, anofanirwa kunge achiverenga zvakanyanya.
Munyori wenhetembo, Chirikure Chirikure, aita nhetembo iyo ati yaifarirwa naVaMungoshi inonzi Kanyanisa.
Kunyange hazvo sangano reNational Arts Council rakanga rakumbira hurumende kuti ipe Doctor Mungoshi chiremera chegamba renyika, izvi hazvina kuitika.
Doctor Mungoshi vakanyora mabhuku akawanda ari kushandiswa munyaya dzedzidzo, uye mamwe acho akawana mibayiro yemuAfrica nemuCommwealth.
Mungoshi asiya mudzimai, Jesesi, vana vana nevazukuru vanomwe.
Facebook Forum