Accessibility links

Breaking News

Woza Inoratidzira muBulawayo Ichiti Hurumende Iri Kukuvadza reMangwana reVadzidzi


Woza Demos
Woza Demos

Nhengo dzesangano reWoza dzaratidzira muguta reBulawayo Chipiri mangwani dzichinyunyuta pamusoro pekwadzinoti kusafamba zvakanaka kuri kuita zvinyu munyaya yedzidzo munyika.

Nhengo idzi dzatsigirwa kuratidzira uku nevana vechikoro.

Nhengo dzeWoza dzafora kubva paBulawayo Public Library ndokupfuura nepadare reHigh Court dzakananga kuMhlahlandela Government Complex uko dzanosvikoungana pamberi pegedhi guru repamahofisi aya ndokubva dzasiya zvinyorwa zvange zvakanyorwa zvaksiyana-siyana.

Imwe nhengo yesangano reWoza, Muzvare Farris Moyo, vaudza Studio 7 kuti vaona zvakanaka kuratidzira pamwe chete nedzimwe nhengo dzechidiki senzira yekuratidza kusafara kwavo nezviri kuitika muzvikoro, kusanganisira kudzingwa kwevana vanenge vasina kubhadhara mari yechikoro.

Muzvare Moyo vati matambudziko ari muzvikoro ari kukonzerwa nekuti hurumende inokoshesa zvimwe zvinhu zvisina maturo ichitadza kukoshesa nyaya yedzidzo.

Mumwe mubereki, VaTellus Moyo, avo vanove mumwe wevanhu vange vakatarisa kuratidzira uku vati zvinoshamisa kuti vebazi redzidzo vanobvumira kudzingwa kwevana vanenge vasina kubhadhara mari yechikoro ivo veruzhinji vakawomerwa nehupenyu.

Mukuru we Woza, Amai Jenni Williams, vati sangano ravo richaramba richiita zvose zvarinogona kuti dzidzo yekuzvikoro zveprimary ive pachena.

Vatiwo sangano ravo rakazvipira kuenda kumatare richibatsira vabereki vane vana vavo vanenge vadzingirwa kusabhadhara mari yechikoro.

Zimbabwe yaive nyika yaive nemukurumbira kuchamhembe kweAfrica munyaya yedzidzo.

Asi kuwondomoka kwezvehupfumi kwaramba kuchiitika kwemakore akawanda munyika kwave kuita kuti dzidzo idzikire, vabereki vachinetseka kuwana mari yekuendesa vana vavo kuchikoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG