Accessibility links

Breaking News

WFP Yowedzera Nguva yeKupemhera Zimbabwe Chikafu


Vagari veku Mudzi vachipiwa chikafu neWorld Food Program
Vagari veku Mudzi vachipiwa chikafu neWorld Food Program

Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu pasi rose, reWORLD Food Program, (WFP), rawedzera nguva yechirongwa chayo chekubatsira vanhu nechikafu muZimbabwe.

Chirongwa ichi, icho chinotsigirwa nemari inobva kuUnited States Agency For International Development (USAID), chaifanirwa kupetwa pakupera kwemwedzi uno, Kurume, asi nguva yekubatsira mhuri idzi nechikafu yawedzera kusvika mu mwedzi waChikumi.

WFP iri kubatsira nechikafu mhuri dzemu Zimbabwe dzinosvika zviuru mazana matatu ane makumi maviri nezvitanhatu (326, 000).

Chirongwa ichi chakatangwa neWFP muna Gumiguru gore rakapera uye chiri kufambiswa nemasangano akasiyana siyana munyika, chichibatsira vanhu munzvimbo dzinopfuura makumi maviri nemaviri munyika.

Zvichakadaro, Japan yabatsiravo Zimbabwe nematani zviuru makumi maviri echibage kuti chibatsire mhuri dzinoshaya muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vakambove mukuru wesangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vanotenda WFP, pamwe neJapan, mukubatsira kwadzo Zimbabwe nechikafu.

Asi VaMatonga vanoti Zimbabwe ikaronga zvakanaka, inokwanisa kurima chikafu chinokwanira nyika kwete kupemherwa kwairi kuitirwa chikafu nedzimwe nyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvekurima, VaAnxious Jongwe Masuka, kanawo kugurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai monica Mutsvangwa, panguva yataenda pamhepo.

Ngatinzweyi VaMatonga vachitsananugura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG