Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rose, reWorld Bank, rinoti harina chekutaura panyaya yemari iri kunzi negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakawana kuti vabhadhare mari yakawedzerwa pazvikwereti zveZimbabwe, kana kuti arrears, kubhanga iri uye kuAfrican Development Bank.
Izvi zviri kusiya nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dzaoma mate mukanwa.
Zimbabwe ine chikwereti chinodarika bhiriyoni imwe chete kuWorld Bank uye mamiriyoni mazana matanhatu emadhora kuAfrica Development Bank.
VaChinamasa vakaburitsa mashoko ekuti vainge vawana mari inodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora kuti vabhadhare chikwereti uye vachiti vainge vatenderana neWorld Bank kuti vobhadhara sei mari iyi.
Asi vachipindura mubvunzo kubva kuStudio7, mukuru weWorld Bank muZimbabwe, Amai Camille Nuamah, vakati pari zvino havana chekutaura nezvemashoko aVaChinamasa.
Asi vakatitumira mashoko avakaburitsa muna Gunyana 2016 vachiti vanoda kushanda neZimbabwe asi ichakwereteswa mari chete kana yabhadhara mari yakawedzerwa pazvikwereti iyi.
Bepanhau reZimbabwe Independent rakambonyora kuti mari yekubhadhara chikwereti ichi yainge yabva kukambani yekuSingapore inonzi Trafigura.
Asi vachipindura mubvunzo kubva kuStudio7 vanotungamira kambani iyi muAfrica, Amai Mcdoolley-Aimone, vakaramba kuti kambani yavo yainge yapa VaChinamasa mari yekubhadhara chikwereti.
Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa kana gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, kuti tinzwe nezvechibvumirano ichi.
Ko chii chiri kupa kuti pashaye chiyedza panyaya yechikwereti cheZimbabwe.
Vaimbotungamira sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development kana kuti ZIMCODD, VaJoy Mabenge, vanoti aya ndomaitiro ehurumende yeZimbabwe.
Vanoona nezvemabasa musangano reZIMCODD, VaTinashe Gumbo, vanotiwo hurumende inofanira kubuda pachena pazvikwereti zvakadai.
Asi VaGumbo vati hurumende inofanira kutanga yanyatsobuda pachena kuti mari yakakweretwa iyi yakashandiswa sei isati yaremedza nyika nemutoro wekubhdhara zvikwereti zvakadai.
Asi vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanotiwo hazvibatsire kubhadhara mari yezvikwereti nyika isina mari.
Mashoko aya atsinhirwawo naVaMebenge.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti kubhadhara chikwereti ichi kunovhura mikana yakawanda kuZimbabwe.
Zimbabwe inonzi ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi nerimwe kunze nemukati menyika. Chikwereti chekunze chinosvika madhora mabhiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu.
Asi pamari iyi, mari yakawedzerwa kana kuti arrears inosvika mabhiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri.
Zimbabwe yakwanisa hayo kubhadhara chikwereti chayo chose kuIMF.
Facebook Forum