Accessibility links

Breaking News

ZCTU nePSA Dzoshushikana neMaitiro eNSSA


ZCTU
ZCTU
Masangano anomirira vashandi munyika anoti reZimbabwe Congress of Trade Union, ZCTU, nePublic Service Association, PSA, anoti haasi kufara nemari dzinotambiriswa vanhu pamwe nemashandisirwo ari kuitwa mari dzavo neNational Social Security Authority, NSSA.

Vachipa humbowo neMuvhuro kukomiti yeparamende inoona nezvevashandi pamusoro pehukama hwavo neNSSA, mutungamiri weZCTU, VaGeorge Nkiwane, vati mari inopihwa vanhu vanenge vave pamudyandigere neNSSA ishomana zvekuti haikwanise kuti munhu ararame kwemwedzi ose nemari iyi.

Nhengo zhinji dzeNSSA dzinotambiriswa madhora makumi matanhatu kana dzichinge dzave pamudyandigere.

Mutungamiri we PSA, Amai Cecilia Alexander, avo vakambove nhengo yebhodhi re NSSA vaudzawo komiti iyi kuti kunyange hazvo chirongwa cheNSSA chakanaka, mari dzinozopihwa vanhu hadzifadzi.

Vati chido chavo ndechekuti dai vanhu vapihwa mari dzinoita kuti munhu akwanise kurarama kana vachinge vave pamudyandigere.

VaNkiwane vatiwo chimwe chisiri kuvafadza inyaya yekuti vashandi vemudzimba pamwe nevanozvishandira havasi muzvirongwa zve NSSA.

Vati hurumende inofanira kuriritira vese vanenge vave pamudyandigere pachena pasina chavanobhadhara ichishandisa mari dzemitero kwete kuti vanhu vadhabhare mari kuNSSA.

Vatiwo havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzevanhu neNSSA vachiti NSSA iri kushandisa mari idzi kutenga makambani kana kuita zvimwe zvinhu zvisingabatsiri varidzi vemari.

VaNkiwane naAmai Alexander vati kunyange hazvo masangano avo aine vamiriri mubhodhi reNSSA, bhodhi iri rine simba rekuita zvarinoda uye haripi vashandi mukana wekuti vape pfungwa dzavo mumashandiro anoita kambani iyi.

Vati semuenzaniso, vakuru vakuru vekambani iyi vanozvipa zvikwereti nemutengo uri pasi pamwe nekukweretesa makambani mari asi vashandi vachinyimwa mukana uyu.

Mune imwewo nyaya, mukuru wemapurisa anoona nezvezvicherwa, Senior Assistant Commissioner Silence Pondo, vaudza komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa kuti bazi ravo harina mari nemidziyo yakakwana kuti rikwanise kudzivirira kucherwa pamwe nekutengeswa zvisiri pamutemo kweghoridhe munyika.

Asi VaPondo vatsamwisa nhengo zhinji dzekomiti iyi apo vati vange vasina ruzivo rweghoridhe rakabatwa nemapurisa kana vanhu vakasungwa mushure mekuwanikwa vachichera kana kutengesa ghoridhe zvisiri pamutemo.

Nhengo dzekomiti iyi dzaudzawo VaPondo kuti dzange dzisingagutsikane nemashoko avo ekuti hapana kana mupurisa mumwe akambosungwa nenyaya dzekuba goridhe kubva kuvasungwa.

Asi mushure mekubvunzurudzwa vazoudza sachigaro wekomiti iyi, VaLovemore Matuke, kuti vachanoita tsvakiridzo uye vachatumira zvavanenge vawana kukomiti iyi munguva pfupi inotevera.
XS
SM
MD
LG