Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Easipark Haina Masimba eKudzinga Vashandi


Harare
Harare
Kanzuru yeHarare inoti kambani yeEasipark, iyo inove mubatanidzwa wekambani yeEasihold yekuSouth Africa nekanzuru yeHarare, inofanira kudzosera pabasa vashandi vayo makumi mana vayakadzinga basa neChitatu sezvo kudzingwa kwevanhu ava kwange kusiri pamutemo.

Mutevedzeri wameya veHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti kanzuru yavo yatuma munyori wayo, VaTendai Mahachi, kuti vaudze vakuru veEasipark kuti vadzore vashandi vese pamabasa avo sezvo kanzuru isingabvumirane nemadzingirwo ava kaitwa.

VaChiroto vanoti kanzuru inotarisira kuti vashandi ava vange vave pabasa neChishanu.

Asi vashandi vekambani iyi vanoti vari kuda kuti vakuru veEasipark, avo vanobva kuSouth Africa, uye vachitungamirirwa naVaPagias Dube, vasiye basa sezvo vari kudzvinyirira vashandi.

Mukuru wevashandi vekambani iyi, VaJason Kautsa, vati kana vamwe vavo vakasadzorwa kubasa neChishanu, vacharatidzira munzvimbo dzavanoshandira pamwe nekukurudzira vagari vemuHarare kuti varege kubhadhara mari munzvimbo dzese dzeEasipark.

Munyori wekomiti yevashandi, Amai Patience Chivavaya, vanotiwo kunze kwekudzingwa basa, vashandi vari kubatwa chibharo sezvo kambani iyi iri kutyora mitemo nekuti munhu akaita nhumbu, anobva adzingwa basa.

Zvichakadai, kanzuru yeHarare inoti yatotanga kambani yayo ichange ichiita basa rekuchengetedza motokari sezvo hukama hwayo neEasihold husiri kufamba zvakanaka.

Kanzuru inoti haisi kuwana mari yainofanira kuwana kubva kuEasipark uye yakatoita chisungo chekugura hukama hwayo. Nyaya iyi yave kumatare.

Zvinofungidzirwa kuti kambani yeEasipark iri kuwana mari inodarika zviuru mazana mashanu zvemadhora pagore asi kanzuru inoti haina chairi kuwana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi re Easipark.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG