Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanocherechedza Zuva reVashandi Pasi Rose Zvinhu Zvakaminama muZimbabwe


Workers Day 2

Vashandi vacherechedza zuva ravo reInternational Workers Day sangano rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, richiti harisi kufara nekuoma kwaita hupenyu munyika pamwe nekushungurudzwa kuri kuitwa vatungamiri vesangano iri nehurumende.

Zviuru nezviuru zvevashandi zvaungana munhandare yeDzivarasekwa muHarare zvichipemberera zuva revashandi iro racherechedzwa pasi rose nhasi.

Vachitaura pamhemberero idzi, mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vati havasi kufara nekuoma kuri kuramba kuchiita hupenyu munyika zvave kuita kuti vashandi pamwe nezvizvarwa zvose zvenyika zvinhonge svosve nemuromo kubudikidza nekutadza kwavati kuri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kugadzirisa nyaya dzehupfumi.

VaMutasa vatiwo kana hurumende ikatadza kugadzirisa zviri kunetsa munyika, vachapinda mumigwagwa voratidzira. Vatiwo vari kushushikana zvikuru nekusghungurudzwa kuri kuitwa nhengo dzesangano ravo zvichitereva kusungwa kwavakaitwa mukutanga kwegore rino mushure mekuratidzira kwakashevedzerwa nesangano ravo muna Ndira.

VaMutasa vati vanoda kuti munhu anotambira mari iri pasi pasi apihwe mari inoita mazana matanhatu emadhora ekuAmerica pamwedzi vachitiwo kukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu muzvitoro kwave kuita kuti vashandi vazhinji munyika vaomerwe nehupenyu.

Vati hurongwa hwemari nehupfumi hwenyika hwakaparurwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, hurongwa hunoita kuti vapfumi varambe vari vapfumi uye varombo varambe vari varombo.

Vachitaurawo semukokwa pamhembero idzi, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vati dambudziko rekusamira zvakanaka kwehupfumi rinogadzirika chete kana pakagadziriswa nyaya dzezvematongerwo enyika kubudikidza nenhaurirano dzechokwadi dzavati dzinofanira kuitwa pakati pavo naVaMnangagwa.

Kunyange vanga vakakokwa kumhemberero dzanhasi, VaMnangagwa havana kuuya kumhemberero dzezuva revashandi idzi.

Asi VaMnangagwa vaburitsa mashoko panhepfenyuro yeZBC ekucherechedza zuva revashandi ekuti vemabhizimusi havafanire kukwidza mitengo yezvinhu vachiti kuita izvi kuomesera vashandi.

Pari zvino vashandi vanoti havasi kufara nemari dzemaRTGS dzavari kutambiriswa vachiti mari idzi hadzina zvadzinotenga.

Vashandi ava, kubudukidza neZCTU, vatiwo chave kudiwa inhaurirano pakati pavo, vashandirwi pamwe nehurumende pasi peTripartite Negotiating Forum dzine chinangwa chekugadzirisa nyaya dzemari dzemihoro pamwe nemitemo yose inobata nyaya dzevashandi,

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG