Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vokurudzirwa Kuita Mabasa eZvicherwa


Women Miners
Women Miners

Vanhukadzi vari kukurudzirwa kuti vaite mabasa ezvicherwa zvisinei nezvimhingamupinyi zvavakatarisana nazvo.

Kururdziro iyi yaitwa pamusangano wekuzeya pamusoro pemikana nezvimhingamupinyi zvinosangana nevanhukadzi vari kuita mabasa ezvicherwa weWomen in Mining.

Musangano uyu waitwa sechikamu chavhura gungano regore rino reMining Engineering and Transport Expo kana kuti Mine Entra.

Mumwe mudzimai wechidiki ange ari pamusangano uyu, Muzvare Letenia Kwiripi, audza Studio7 kuti akatanga kuita zvekunhadzurudza matombo neivhu zvine goridhe gore rakapera mushure mekuwana shungu kubva kuna baba vake avo vane mugodhi wegoridhe.

Muzvare Kwiripi vati kunyange hazvo vari kuwana cheuviri kubva pakuita izvi, dambudziko guru nderekuti vanoshaya kwekukwereta mari kuti vavandudze basa ravo vachitiwo havana ruzivo rwakakwana rwekuti vangawane kupi rubatsiro rwakadaro.

Amai Letwina Nyagano, avo vanotungamira chimwe chikwata chemadzimai anoita zvezvicherwa kuNorton vaudza musangano uyu kuti vave nenguva vachida kuti vawane magwaro akakwana kuti vatange kuita zvekuchera goridhe asi vanoshungurudzwa nekusada kuvabatsira kwavati kuri kuitwa nevamwe vashandi vehurumende vari mubazi rezvezvicherwa.

Gurukota rezvemadzimai nekuenzaniswa kwemikana, Amai Sithembiso Nyoni, avo vange vari munyarikani pachiitiko ichi, vaudza gungano iri kuti vanoziva chose kuti vanhukadzi vanosangana nezvimhingamupinyi zvakawanda kunyanya munyaya dzezvicherwa.

Asi vati vanhukadzi havafanirwe kuwora moyo vachiti bazi ravo richishanda pamwe nemamwe mapazi ari kubatisra vanhukadzi vanoda kuita zvezvicherwa kana mamwewo mabhizimisi.

Vati vose vanenge vavhiringidzwa nevashandi vehurumende vanofanirwa kuvamhang’arira kuvakuru vakuru vavo.

Mutungamiri weZimbabwe Mining Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, vati kunze kwezvimhingamupinyi zvavanosangana nazvo, vanhukadzi pachavo vanozeza kuvandudza mabhizimisi avo vachiti sangano ravo rine hurongwa hwekudzidzisa vanhukadzi vari kuita zvezvicherwa nevanoda kupinda mazviri.

Musangano weWomen in Mining ndewechipiri kuitwa pasi pegungano reMine Entra. Gungano iri rinowanzoitwa muna Chikunguru wegore rega rega asi wakanonoka kuitwa gore rino nekuda kwesarudzo.

Gungano iri rinoenderera mberi apo parinotarisirwa kuvhurwa neChina zviri pamutemo negurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG