Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzirwa Kuchengeta seNhire Vana Vanozvarwa Nguva Isati Yakwana


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira kuti madzimai anobatsirwa vana vasati vasvika vashandise nzira yekuchengetedza vana ava pazvipfuva sezvinoita nhire, kana kuti “kangaroo baby care.”

Imwe nyanzvi mune zveutano, VaDominic Mureri, vaudza Studio7 kuti nyika zhinji dzave kukurudzira kukudza vana vasati vasvika nenzira yekuvasungirira pachipfuva chaamai vavo kuti vawane kudziirwa pane kushandisa michina yema incubator.

VaMureri vatiwo kushandiswa kwenzira ye kangaroo care kunobatsira zvikuru kuchengetedza hupenyu hwevana vakati kana pane chakanganisika pamwana, amai vanenge vaine mwana pachipfuva vanokurumidza kuzviona zvichienzaniswa nevana vanenge vari pamichina yema incubator.

Mukuru anoona nezvekusununguka kwakanaka kwemadzimai akazvitakura mubazi rezvehutano, VaBernard Madzima, vanoti vari kukurudzira kuchengetwa kwevana vanozvarwa vasati vasvika nenzira ye kangaroo care iyi kuitira kuti vana vawane kudziya kwakakwana.

Mukuru muwadhi inochengeterwa madzimai akazvitakura kuHarare Central Hospital, Amai Dade Getrude Pedzisai, vanoti nzira ye kangoroo care ndoyave kukurudzirwa pasi rese.

Dzimwe nyanzviwo dzinoti nematambudziko akasiyasiyana ari kusanganwa nawo munyaya dzehutano, anosanganisira kushomeka kwemichina yema incubator, kushaikwa kwemichina iyi kuzvipatara zvekumamisha, pamwe nekushomeka kwevashandi vezvehutano, nzira ye “kangaroo care” inogona kubatsira kudzivirira vana vanofa mushure mekuzvarwa nguva yavo isati yakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG