Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Havasi Kuita Basa Ravo Zvinoratisirwa Muparamende?


Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga

Imwe ongororo ichangoburitswa nerimwe sangano inoti vamwe vamiriri veparamende vechidzimai vakasarudzwa kuchishandiswa nzira yeproportional representation havazi kukwanisa kuita basa ravo sezvinotarisirwa.

Asi mamwe madzimai ari mune zvematongerwo enyika anoti chiga chekuti madzimai asarudzwe kuchishandiswa nzira iyi kunofanirwa kuramba kuripo.

Zvakabuda muongororo iyi, iyo yakaitwa nesangano reResearch and Advocacy Unit, kana kuti RAU, richishanda pamwe nesangano reWomen Politicians’ Incubator Zimbabwe, kana kuti WOPIZ, zvaziviswa pamusangano waitwa nhasi muBulawayo.

Chipangamazano chesangano reRAU, VaLloyd Pswarayi, vati ongororo iyi yakaitwa vachibvunzurudza vamwe vamiriri vechidzimai pamusoro pezvimhingamupinyi zvavanosangana nazvo mubasa ravo rekuve vamiriri vevanhu.

VaPswarayi vati vamiriri ava vakati vanotadza kuita mabasa avo nemazvo nekuda kwekuti havana ruzivo rwakakwana pamusoro pezvavanofanirwa kuita sevamiriri, uye vanovhiringidzwa mubasa ravo nevamwewo vamiriri vakasarudzwa neimwe nzira avo vanoti havavatambire sevamiriri vechokwadi.

Amai Priscilla Misihairabwi-Mushonga mumwe wevamiriri veproportional representation avo vange vari pamusangano uyu.

Amai Misihairabwi-Mushonga vabvuma kuti vamiriri vechikadzi vakasarudzwa pasi pechirongwa ichi havazi kukwanisa kuita basa ravo nemazvo.

Asi vati pane zvikonzero zvakawanda zviripo kusanganisira nyaya yekuti munhoroondo yenyika vanhukadzi vashoma vange vachipinda pazvinzvimbo zvehutungamiri vachitiwo vanhukadzi vanofanirwa kuramba vachipiwa dzidziso panyaya yekuve vatungamiri mune zvematongerwo enyika.

Amai Misihairahwi-Mushonga vati vanotsigira kuti kusarudzwa kwevamwe vamiriri vechidzimai mudare reparamende kuchishandiswa nzira ye proportional representation kurambe kuripo, vachiti kuenzana kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi hakusati kwavepo munyika.

Mutevedzeri wemutungamirir weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vaudza Studio7 kuti vanotsigira nyaya iyi vachitiwo mapato akasiyana-siyana munyika anofanirwa kuve nechiga chekuve nenhengo dzechikadzi dzakaenzana nenhengo dzechirume pakukwikwidza kuve vamiriri veparamende kana makanzura.

Sachigaro weZimbabwe People First muBulawayo, Amai Esnathi Bulayani, vati vanobvumirana nenyaya yekuedza kusimudzira madzimai. Asi vati zvakakoshawo kuti madzimai atsigirane uye vanenge vachida kupinda pazvigaro zvehutungamiri vave vanhu vakashinga uye vakazvipira kuve vatungamirir zvisinei nezvimhingamupinyi zvavanosangana nazvo.

Mumwe mudzimai wechidiki ange aripowo pamusangano uyu, Muzvare Jacqueline Ndlovu, vati zvakakosha kuti madzimai ari muhutungamiri ashande nemadzimai echidiki vachivadzidzisa nezvehutungamiri.

Mukuru mukuru weWomen Politicians’ Incubation Zimbabwe, Amai Thandiwe Ngwenya, vanoti vanhukadzi vakawanda ndivo vanochengeta mhuri uye ndivo vanosangana nematambudziko akawanda pakuita izvi nekudaro zvakakosha kuti vapinde muzvinzvimbo zvehutungamiri.

Kusarudzwa kwevamiriri veparamende vechidzimai kuchishandiswa nzira yeproportional representation kwakatanga pasarudzo dzemuna 2013 uye kunotarisirwa kupera mugore ra2023.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG