Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vokurudzirana Kubatana Uye Kunyoresa Kuvhota


Women gather in Harare for #hervotes 2018
Women gather in Harare for #hervotes 2018

Madzimai anobva kumapato anopikisa akasiyana-siyana muZimbabwe anoti vanhukadzi vose vanofanirwa kunyoresa kuitira kuti vagokwanisa kuvhota gore rinouya.

Izvi zvakabuda pakuparurwa kwakaitwa chirongwa chinonzi #HERVOTES2018 neMugovera icho chakaitirwa paNelson Mandela Hall muHarare.

Mumwe wevakaronga musangano uyu, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vanoti chinangwa chavo ndechekuratidza veruzhinji kuti sarudzo hadzisi dzevanhurume chete, kunyanya sarudzo muna 2018, idzo veruzhinji vari kuti vanoda kubvisa Zanu PF pachigaro chekutonga.

Amai Misihairabwi Mushonga vanotiwo vakadzi vanoita zvematongerwo enyika negwara rakachena kana zvichienzaniswa nevanhurume vachiti izvi zvinogona kubatsira parunyararo.

Sachigaro wePeople’s Democratic Party, Amai Lucia Matibenga, vanoti nekuda kwenhamo iri kunyanyobata vanhukadzi munyika, madzimai ari muhutungamiriri vakaona zvakakosha kuti vakurudzire madzimai kubatana. Amai Matibenga vanoti madzimai munyika akaita chirwiraingwe vanogona kukunda.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wemutungamiri weMDC, Muzvare Thokozani Khuphe, vakatiwo kunyange hazvo nyaya yekupa vanhukadzi zvigaro yakanyorwa muzviga zvakawanda, izvi hazvisi kuitika. Muzvare Khupe vanotiwo madzimai anozivikanwa nekusaita zvehuori.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, vakatiwo zvakakosha kuti madzimai apanane dzidziso kuitira kuti vanzwisise kukosha kwekuisa mamwe madzimai pazvigaro.

Mumwe mudzimai wechidiki aive pamusangano wemadzimai uyu, Muzvare Sibonokuhle Buhlungu, avo vanoshanda nesangano re #SheVotes2018, vanoti kuti madzimai abude mumatope maviri, ndivo vanofanirwa kuona kuti vavaka Zimbabwe itsva kuburikidza nesarudzo dzegore rinouya.

Mumwe mugari wekuBudiriro akapinda mumusangano weMugovera, Amai Martha Chikwati, vakarumbidza zvikuru kusangana kwemadzimai uku. Amai Chikwati vanokurudzirawo kuti madzimai akwikwidzewo muzvinzvimbo kuitira kuti mapato avo akunde.

Musangano uyu, uyo wakapindwa nevanhukadzi vanodarika chiuru chimwe chete, wakaonawo madzimai achidzidzisana zvichadiwa pakunonyoresa kuvhota pamwe nekukurudzirana kuburitsa zvinyunyuto zvavo sarudzo dzisati dzaitwa.

Varume vanotungamirira mapato anopikisa, avo vanosanganisira VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, VaJacob Ngarivhume, VaElton Mangoma, pamwe naVaEdwin Mushoriwa - avo vakamirira VaWelshman Ncube, vakazouya pakupetwa kwechironga chemadzimai ichi senzira yekukurudzira vanhukadzi kuti vashande pamwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG