Accessibility links

Breaking News

Amai Kamala Harris Vanozarura Musuwo Mukuru


Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

Zvichitevera kutoreswa mhiko kwaVaJoe Biden nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, yekushanda zviri pamutemo muhurumende yavo itsva, dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti America yave nemukana wekugadzirisa zvinhu zvizhinji, zvinosanganisira zverusaruraganda, kufambidzana nedzimwe nyika, mamiriro ekunze nezvehutano pasi pose.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College, Muzvinafundo Chipo Dendere, vanoti mafambisirwo akaita kutoreswa mhiko kwakaratidza vanhu pasi pose kuti America yave kutora gwara idzva sezvo vakaona vanhu vemarudzi ose, kunyanya vechitema nevamwe vasiri vechichena, vachipiwa rukudzo rwakaenzana nevamwe vose.

Muzvinafundo Dendere vanoti vanhu vazhinji vakafara, vamwe vakachema misodzi yemufaro, vachiona Amai Harris vachitora mhiko yavo yekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Vanoti kufara kwakange kuchiita vanhu vemarudzi ose vari pamwe chete kwakayeuchidza vazhinji kuti hurumende itsva iyi ihurumende yevanhu vose.

Vanoti zvinofadza vanhukadzi pasi pose kuti munhoroondo ye zvematongerwo enyika mu America, Amai Harris vave vekutanga kuwana chigaro chikuru chakaita seichi, vachiti hapana munhukadzi akamboita simba rakadayi muAmerica.

Muzvinafundo Dendere vanoti zvakaitwa naAmai Harris izvi, zvichabatsira kusimudza shungu muvanhukadzi pasi rose kuti hapana chavangatadza kuita muhupenyu kana vakashanda nesimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG