Madzimai ekuChimanimani anoti ari kushaya zvipfeko zvekushandisa kana vachitevera, uye nzvimbo yavanogara haina kuchena izvo zvinogona kukonzera kupararira kwezvirwere zvakawanda.
Madzimai ekuChimanimani mazhinji anoti akatarisana nedambudziko rekushaya zvipfeko zvinopfekwa nemadzimai kana achitevera kana kuti ma sanitary pads.
Mumwe mugari wemubhuku rekwaChinamira kuSkyline, Amai Sarudzai Kubvenyika, vanoti madzimai mazhinji ave kushandisa madhende ayo avari kutyira kuti anogona kuvakonzeresa zvirwere kunhengo dzavo dzakavandika.
Izvi zvakatsinhirwa naAmai Locadia Mapetuka vanogara mubhuku rekwaManzou avo vanoti zvitoro zvizhinji zvakapwanywa nemvuramupengo yeCyclone Idai uye zvimwe zvakavharwa nepamusana pekuti nzira zhinji hadzisi kufambika.
Mumwe mugari wemubhuku rekwaMuusha, Amai Idah Mwandiambira, vanotiwo hapana pekurasira madhende anenge ashandiswa nemadzimai anenge achitevera sezvo zvimbuzi zvavaimboshandisa zvakatorwawo nemvura.
Amai Mwandiambira vanoti zvirwere zvemanyoka zvinogona kudzika midzi munharaunda yavo sezvo veruzhinji vave kuzvibatsira kuseri kwemakwenzi uye pasina mvura yekunwa yakachena munvimbo zhinji dziri muChimanimani.
Kunyange hazvo bazi rehurumende rinoona nezvemvura reZimbabwe National Water Authority rakaisa matangi emvura mune dzimwe nzvimbo dziri muChimanimani, mvura iyi haisi kutora nguva isati yapera sezvo yakawandirwa.
Mumwe mugari wemubhuku rekwaMuusha zvakare, VaLiberty Sigauke, vanotiwo vari kufara zvikuru kuti hurumende nevemamwe masangano ari kubatsira vagari vekuno vakavapa mishonga yekuisa mumvura kuti inge yakachena pavanoimwa.
Asi VaSigauke vanoti mishonga iyi haizofi yakadzivirira zvachose zvirwere zvemanyoka zvakaita sekorera ne typhoid.
Sangano re World Health Organization rinoti vanhu vanosvika zana nemakumi mana vakabatwa nechirwere chekorera muMozambique, sezvo munzvimbo dzakawanda munyika iyi musina mvura yakachena zvichitevera kurohwawo kwakaitwa nyika iyi neCyclone Idai masvondo maviri apfuura.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rehurumende kuti vanhu vangani vabatwa nekorera zvichitevera kurohwa kwakaitwa matunhu eManicaland neMasvingo nedutumupengo reCyclone Idai.
Zvichakadai, vanhu vakawanda vakaita sasabhuku Charles Manzou vemubhuku rekwaManzou vanoti hurumende inofanira kupira vanhu chikafu munzvimbo dzavanogara senzira yekuderedza mikana yekuti vagari vatapurirane zvirwere.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano VaObediah Moyo, kuti tinzwe matambudziko ari kusangana nevanhu vekuChimanimani vachaagadzirisa sei uye riinhi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza vagari vekuChimanimani masvondo maviri adarika kuti hurumende yavo ichaedza napose painogona napo kuti igadzirise matambudziko ari kusangana neveruzhinji vakawirwa nedambudziko remafashamu.
Kudzamara hurumende yatora matanho nekukasika, veruzhinji muChimanimani vacharamba hupenyu hwavo huri patambo sezvo nyaya yehutsanana iri kuvatemesa misoro zvichitevera mafashamu eCyclone Idai ayo akasiya vanhu zana nemakumi masere nevapfumbamwe vafa uye vanhu vanodarika mazana matatu vasiri kuzivikananwa kuti varipi.
Facebook Forum