Accessibility links

Breaking News

Madzimai Owana Rubatsiro Rwekuita Mabhizinesi


Proweb Women
Proweb Women

Panguva iyo vanhu vakawanda munyika, kunyanya vanhukadzi, vari kurarama nekuriritira mhuri dzavo vachizvishandira pachavo vega, rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira riri kudzidzisa mamwe madzimai nezvemabhizimisi kuitira kuti vavandudze hupenyu hwavo.Mutori wedu wenhau,

Muzvare Roselyn Ncube vanoti vakaberekwa vaine chipo chekugadzira nekusona mbatya zvekuti pavaikura vaiti vakatengerwa zvipfeko nevabereki vavo vaipedzisira vachinja zvipfeko izvi vogadzira zvavo zvavanoda.

Muzvare Ncube, avo vave nebhizimisi rekusona mbatya, kusanganisira dzinopfekwa nevamwe vanhu vane mukurumbira, vanoti vakazodzidzira havo zvekusona mbatya pane imwe nguva, asi vanoti vanovimba nechavanoti chipo chekuzvarwa nacho.

Muzvare Ncube ndemumwe wemadzimai makumi matatu vanobva kuchamhembe kwenyika vari kudzidziswa zvakasiyana siyana pamusoro pebhizimisi pasi pechirongwa chesangano reProfessional Women, Women Executives and Business Women’s Forum, kana kuti Proweb.

Vanoti kusvika pari zvino vadzidza zvakawanda pamusoro pezvekuve mubhizimisi, kusanganisira zvimwe zvinhu zvavaisakoshesa, zvakadai sekuti mari inochengetedzwa sei.

Amai Adelaide Muchetu ndemumwe wemadzimai ari kudzidziswawo nezvebhizimisi pasi pechirongwa cheProweb.

Amai Muchetu vanoti vave nemakore akati kuti vachiita basa rekuronga wungano dzakaita semichato kana ndufu, zvinoziikanwa muchirungu kunzi ‘Event Management.’

Vanotiwo kuve kwavo muchirongwa chekudzidziswa zvebhizimisi kuri kuvabatsira zvikuru.

Mukuru wesangano reProweb, Amai Moira Ngaru, vanoti sangano ravo rakatanga kudzidzisa vanhukadzi zvakasiyana-siyana mune zvemabhizimisi mugore ra2015 mushure mekuona kukosha kwemabasa anoitwa nemadzimai.

Pagore rega rega sangano reProweb rinodzidzisa madzimai makumi matanhatu kubva kunzvimbo dzakasiyana munyika, uye zvidzidzo izvi zvinoitwa kamwe chete pavhiki mukati memwedzi miviri kusvika gore rapera.

Amai Ngaru vanoti madzimai aya anosarudzwa zvichienderana nepfungwa dzavainadzo dzemabhizimisi avo, uye vanobhadhara mari shoma kuitira kuti vave muchirongwa ichi.

Muzvare Violet Mhute inyanzvi munyaya dzekuongorora mashandisirwe emari uye inhengo yeInstitute of Public Auditors.

Muzvare Mhute vane kambani yavo inoita basa rekuongorora mashandisirwo anoitwa mari, uye vanoti zvidzidzo zvavari kuwana pamwe nekusangana nemamwe madzimai anoita zvemabhizimisi, kuri kuvabatsira zvikuru.

Amai Mariyeti Mpala avo vave nenguva vachiita zvekubatsira vanhu vakwegura pachena, ndemumwe wemadzimai ari kudzidziswa hutungamiri mumabhizimisi pasi pechirongwa cheProweb.

Amai Mpala vanoti nekuda kwedzidziso yavari kuwana, vanotarisira kuti munguva pfupi inotevera vachave mumwe wevatungamiri vakanaka vemunzvimbo yavanogara.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti chirongwa chekudzidzisa madzimai ari mumabhizimisi kuti avandudze mabhizimisi avo, chinogona kubatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG