Accessibility links

Breaking News

Mudzimai Akarohwa neMupurisa Anoendesa VaKazembe kuMatare


Minister Kazembe Kazembe
Minister Kazembe Kazembe

Mumwe mudzimai wekuBulawayo ane makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa aendesa kumatare gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, nemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, mushure mekunge arohwa zvakaipisisa nemumwe mupurisa panguva yekumbonzi vanhu vagare mudzimba, kana kuti ‘lockdown’, gore rapera.

Mudzimai uyu, Amai Lydia Chapalapata, vanoti vakarohwa vachitenga hupfu uye vanoda mari inosvika mamiriyoni matatu emadhora emunyika. Hatina kukwanisa kubata VaKazembe, kana mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mutauriri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti ichokwadi kuti mudzimai uyu akwidza nyaya yake kumatare achbatsirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG