Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvogadzikana kuMapurazi Zvichitevera Kupindira kwaVaMnangagwa


Tobacco auction in Harare
Tobacco auction in Harare

Mumwe murimi wechichena wekuChipinge, VaRichard Le Vieux, avo vakashungurudzwa nekusungwa kutanga kwegore rino vachida kutorerwa purazi ravo, vaudza paramende kuti zvinhu zvagadzikana mushure mekupindira kwemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nedare ravo remakurukota.

VaLe Vieux, veku Farfell Coffee Estate, vaudza komiti yeNational Assembly inoona nezvekurima kuti vakakatyamara mukutanga kwegore rino kuona vakuru vakuru vanoona nezvekurima mudunhu reManicaland vachiiuya nemwana wegurukota redunhu iri, Dr Ellen Gwaradzimba, VaRememberance Mudzana, vachiti vaifanira kushanda vese.

Vati pavakapikisa izvi vakatanga kushungurudzwa nekusungwa vachiendeswa kumatare edzimhosva uye vati vakatozoyambirwa nevakuru vakuru vebato reZanu PF mudunhu iri kuti vakwidze nyaya yavo kumutungamiri wenyika sezvo zvaiitwa nebazi rekurima naVaMbudzana, zvainge zviri kunze kwemutemo.

VaLe Vieux vati musi wa1 Chivabvu ivo nevamwe varimi vechichena muManicaland vakakokwa kumahofisi Amai Gwaradzimba uko vakasvikotukwa zvakasimba naAmai Gwaradzimba pamwe nekugurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vachinzi vaizorasikirwa nemapurazi avo zvachose kana vasingade kushanda nevarimi vavainge vapihwa nehurumende.

Asi vati vakazofara chose apo vakanyorewa negurukota rinoona nezvedyidzana nekutengeserana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vachiudzwa kuti VaMnangagwa nedare remakurukota vainge vaita chisungo chekuti vagare papuruzai ravo vachiita basa ravo semazuva ose.

Gweta raVaLe Vieux, VaNorman Mugiya, vaudzawo komiti iyi kuti vakazowanawo imwe tsamba kubva kuna VaShiri vachitonzi vachapihwa 99 Year Lease.

VaLe Vieux naVaMugiya vati kubvira pavakawana matsamba aya vave kuita basa ravo pasina anovavhirigidza uye vamirira 99 Year-Lease.

VaLe Vieux vati Zimbabwe inofanira kusandura mashandiro ayo pazvinhu zvese kana ichida kusimudzira hupfumi.

Vati zvinhu zvinodiwa kuti bhizinesi rifambe zvakaita semagetsi nemafuta emotoakri zviri kushaikwa munyika, zvinomesera vemabhizimisi.

Vatiwo migwagwa kunzvimbo yavo yakaparara zvekuti vemakambani anotakura zvinhu vakawanda vave kuramba kutakurwa zvirimwa zvavo kuenda kunze kwenyika.

Zvichakadai, VaMbudzana, avo vange vachifanira kupawo divi ravo kukomiti iyi inotungamirirwa naVaJustice Mayor Wadyajena, vaudza komiti iyi kuti vange vasingakwanise kuuya sezvo vange vari mumutsetse wemafuta emotokari.

Komiti inoona nezvekupihwa kweminda kuManicaland, iyo inotungamirirwa naAmai Gwaradzimba, yazivisawo kuti yange isisakwanise kuzopa humbowo pamusoro penyaya iyi sezvo yange yakabatikana.

Mune imwewo nyaya, nhengo neNational Assembly inomirira Kambuzuma, VaWillas Madzimure, vaisa chikumbiro kudare chekuti gurukota rinoona nezvemukati munyika, VaCain Mathema, kuti vaudza dare kuti murwiri wekodzero dzevanhu, VaItayi Dzamara, avo vakapedzesera kuonekwa muna Kurume muna 2015, vachiri vapenyu here kana kuti kwete.

Vati izvi zvakakosha kuti mhuri yake ione zvaingaite kwete kuramba ichingotarisira kuti munhu mupenyu iye akatsakatika kare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG