Accessibility links

Breaking News

Varimi Vachena Vakapotera Kunze kweNyika Voramba Kudzokera kuZimbabwe


President Emmerson Mnangagwa has promised to compensate white commercial farmers for the land seized from them, in Harare, April 10, 2019.
President Emmerson Mnangagwa has promised to compensate white commercial farmers for the land seized from them, in Harare, April 10, 2019.

Varimi gumi nevashanu vakapotera kuBotswana mushure mekubvutirwa mapurazi avo nehurumende yaVaRobert Mugabe vanoti havafi vakadzokera kuZimbabwe kunyange hazvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kuvimbisa kuvabhadhara mari dzavo.

Varimi ava nevamwe vakaenda kunyika dzakaita seZambia, Malawi, South Africa, Mozambique uye Nigeria, vanoti havasi kuzodzokera kuZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kurongeka munyika iyi.

Mumwe murimi, VaDean Hatty, avo vaimborima kumapurazi ari pedyo nedhorobha reBulawayo vasati vapotera kuBotswana muna 2006, uko kwavari kurima kumapurazi ePandamatenga, vanoti havadzokeri kuZimbabwe nokuti tsuro haiponi kaviri murutsva.

Mumwewo murimi akabva kuZimbabwe ari kurimawo kumapurazi ePandamatenga aya, VaEdward Cumming, vanoti Zimbabwe inoda hurumende isingaite huori sezviri kuitwa neZanu PF kuitira kuti ikwanise kukwezva vanamuzvinabhizinesi.

VaCumming vayambira hurumende yaVaMnangagwa kuti isunge dzisimbe kana ichida kukwikwidzana nehurumende yaVaMokgweetsi Masisi mukukwezva varimi ava munyika.

Mukokeri wesangano revarimi vechichena reCommercial Farmers Union of Zimbabwe, VaBen Gilpin, vaudza Studio7 kuti varimi vakachamirira kuzadziswa kwevimbiso yakaitwa nehurumende senzira yekumusidzira bazi raimbove musimboti wehupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mudzidzisi paUniversity of Botswana, VaPeter Muzavazi, vaudza Studio7 kuti kuvimbiswa muripo kwakaitwa nehurumende yaVaMnangagwa, inzira yekukwezva varimi ava kuti vadzoke kuZimbabwe.

Asi VaMuzavazi vanoti kuedza kwaVaMnangagwa kuvandudza hupfumi hwenyika nekudzosa varimi vechichema kuvaraidza nguva kuteya nzou neriva nokuti chinokanganwa idemo asi muti vakatemwa haukanganwi.

Pavakatora mhiko yekutungamira nyika, VaMnangagwa vakavimbisa kuti hurumende yavo ichange ichishanda ichitevedza mitemo, vakati basa ravo guru nderekuona kuti hupfumi hwenyika hwavandudzwa kuitira kuti Zimbabwe idzokere pachinzvimbo chayo chekare apo yaizivikanwa sehurudza.

Hurumende yaVaMnangagwa yakavimbisawo kuti yaizobhadhara varimi vakatorerwa mapurazi avo pasi pechirongwa chekuendesa ivhu kuvanhu vatema.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti VaMnangagwa vari kutadza kuzadzisa mashoko avo sezvo munyika muine huori hwakanyanya pamwe nekutyorwa kwemitemo.

Zvinofungidzirwa kuti kune varimi vechichena vanodarika zviuru zvitatu nemazana mashanu vakabuda munyika vakanopotera kunyika dzakasiyana siyana zvichitevera mhirizhonga yakaitika paitorwa mapurazi nechisimba nehurumende yamuchakabvu Robert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG