Accessibility links

Zimbabwe Yozeya Zvinoreva Kudzingwa kweMakurukota muSouth Africa

  • Blessing Zulu

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuSouth Africa zvotyirwa kuti zvinogona kuguma zvobata batawo Zimbabwe mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, vavandudza dare ravo remakurukota.

VaZuma vakadzinga neChina gurukota rezvehupfumi, VaPravin Gordhan, vachivatsiva naVaMalusi Gigaba, vaive gurukota rinoona nezvemukati menyika.

Nhepfenyuro yeSABC inoti VaZuma vadzinga makurukota gumi nemashanu anosanganisira vatevedzeri vemakurukota vatanhatu.

Kudzingwa kwaVaGordhan kwapa kuti rhandi ridzikire huremu zvishoma panguva iyo Zimbabwe iri kukurudzira kuti vanhu vashandise zvakanyanya mari yekuSouth Africa.

South Africa iri kutarisirawo kutora chigaro chasachigaro weSadc muna Nyamavhuvhu.

Panguva iyi Zimbabwe inenge yogadzirirawo sarudzo dzayo dzagara dziine mutauro.

Kubviswawo kwaVaGigaba kubva kubazi rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika kuri kupa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvinetseke zvichiti zvange zvajaira kushanda navo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano muCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti zvikonzero zvapihwa naVaZuma kubvisa vanhu ava hazvina kuti tsvikiti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG