Accessibility links

Breaking News

CAPS United Yokweshana neNgezi Platinum neSvondo


Vatsigiri veCaps United vachananga kuNational Sports Stadium neSvondo
Vatsigiri veCaps United vachananga kuNational Sports Stadium neSvondo

Chikwata cheCaps United chichawana rubatsiro kubva kune zvimwe zvikwata apo chiri kusangana nechikwata chiri kubaka moto cheNgezi Platinum Stars mumutambo mukuru wesvondo rino.

Mutambo mukuru uyu, uyo uri muNational Sports Stadium neSvondo, uri kusangana zvikwata zviviri zviri kufamba nzira dzakasiyana Madamburo achidzirova pamadiro apo Makepekepe arikuti rimwe zuva obaka moto, rimwe zuva odzima, kunge pasina kumboririma.

Asi Makepekepe achawana rubatsiro kubva kuvateveri vezvimwe zvikwata mugungano iri avo vasiri kuda kuti pave nenzira hombe pakati pavo neNgezi Platinum patafura kusanganisirawo veDynamos.

Mumwe muteveri weDynamos, VaLawrence Muchuti, vanobuda pachena kuti vachange vachitsigira chikwata chipi.

Muteveri wechikwata chine mukombe weligi uyu cheFC Platinum icho chakasiiya nemapoinzi matatu neMadamburo, VaSimbai Utsiwegota, vanoti vachange vari munhandare kukuzirira Caps United kuti ikunde.

Asi murairidzi weNgezi Platinum Stars, Tonderai Ndiraya, anoti panguva ino havasi kutarisa kuti varikutamba nechikwata chipi asi kukunda vachienda mberi nembora.

Parizvino Ngezi ine mapoinzi makumi maviri nematanhatu, mapoinzi matatu pamusoro peFC Platinum kwatambwa mitambo gumi.

MuMandava Stadium muchange musingadaidzwe anonzwa zvekare apo FC Platinum iri pamusha neTrianlge iyo irikubvira moto unotyisa.

Pari zvino, Triangle iri pachinhanho chechina zvekuti Kugona Kunenge Kudada haifanire kudhererera kana vanozobuda munhandare vanaiwa.

Highlanders ine mutambo usina kunyanya kuoma apo iri muHarare neYadah.

Asi murairidzi mutsva weDynamos apihwa mutambo wakaoma apo arikushanya kuBulawayo kunosangana neBulawayo Chiefs iyo iringaroveke zvekutamba pamusha.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi..

Bulawayo City v Shabanie Mine

Black Rhinos v Herentals

ZPC Kariba v Mutare City Rovers

Harare City v Nichrut

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG