Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvodhurira Vakawanda Munyika


FILE - Customers shop at a Harare supermarket selling goods priced in foreign currency, Dec. 8, 2008.
FILE - Customers shop at a Harare supermarket selling goods priced in foreign currency, Dec. 8, 2008.

Vamwe vagari vemuHarare vanoti vari kushushikana nekukwira kwemitengo yezvinhu, zvikuru zvekudya.

Mumwe mugari wemuHarare, VaGodknows Homwe, vati gore rino ranga rakavaomera zvikuru vakati izvi zvava kuwedzerwa nekukwira kwemitengo.

VaHomwe vati mitengo yechikafu chinodyiwa nevanhu zuva nezuva ndochiri kunyanyokwira .

Mumwe ari mune zvematongerwo enyika, uye ari mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vati kisimusi kuvazhinji ichange yakaoma zvikuru nekuda kwekukwira kwemitengo yezvekudya.

VaChihwayi vakurudzirawo hurumende yaVaMnangagwa kuti iwone zvaingaite panyaya yemitengo kuti varombo vawanewo chikafu chekudya.

Nyanzvi munezveupfumi, VaFarai Mabeza, vati kusvika vemabhizimusi vawana mari dzekunze zviri nyore matambudziko ehupfumi haagoni kugadziriswa.

Zvimwe zvezvakanyanyokwira zvinosanganisira nyama, iyo yakuvavarira kusvika madhora gumi pakirohiramu, mazai makumi matatu aiita madhora mana ave kuda madhora mapfumbamwe zvichikwira pamwe nemupunga nezvimwewo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG