Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yotanga Gadziriro yeAfrica Cup of Nations


Knowledge Musona
Knowledge Musona

Murairidzi weZimbabwe Zdravko Logarusic haana kutarisa vatambi vari muSouth Africa apo atanga kuvaka chikwata chake chemakundano e2021 Africa Cup of Nations.

Logarusic audza Studio Seven kuti ari kutora nguva ino kuongorora vatambi vari mhiri kwemakungwa sezvo vatambi vari muSouth Africa vave nenguva yakati rebei vasati vapinda munhandare.

Pamusoro pezvo, muraridzi uyu anoti ave neruzivo rwakadzama rwevatambi vari muSouth Africa ava zvekuti kupedza nguva kuvatambisa mumitambo yekuedzana masimba neve kune dzimwe nyika.

Logarusic ari kutanga ongororo yevatambi vake svondo rino apo Zimbabwe ine mutambo wekuedzana masimba neMalawi uyo ashevedza vatambi vemhiri kwemakungwa chete.

Lugorusic ane chivimbo nevatambi vane mukurumbira vakaita saKnowledge Musona, Marvelous Nakamba, Tino Kadewere, McCaulley Bonne, Marshal Munetsi, Alec Mudimu, Teenage Hadebe, na Tendai Darikwa.

Vamwe vatambi vaari kuda kuongorora ndi Victor Kamhuka uyo anotambira kuMynmaar, Adam Chicken, Kundai Benyu naJordan Zemura avo vanotamba kuEngland.

Mubati wepagedhe Tatenda Mukuruva uyo akapedzisira kutambira maWarriors mazuva aKalisto Pasuwa muna 2017 ashevedzwawo zvekare kubva kuAmerica uko anotamba.

Vatambi vese vashevedzwa havana mitambo kuzvikwata zvavo svondo rino sezvo svondo iri rasendekwa parutivi neveFifa kupa nguva kuzvikwata zvenyika.

Asi Kadewere naBonne vanonzi vambokumbira kuti vapihwe nguva vaine zvikwata zvavo zvitswa sezvo vachangopinda basa.

Kadewere ave kutambira Lyon abva kuLe Havre kuzotiwo Bonne ave nesvondo rimwechete-chete aenda kuQPR kubva kuCharlton Athletic.

Zimbabwe iri kusangana neMalawi kugadzirira mitambo miviri yeAfcon neAlgeria iyo iriko pakati pa 7 na 15 Mbudzi, nguva imwecheteyo Botswana iri kusangana neZambia.

Aimboridza pembe muPremier League VaSam Hamandawana vanoti pamusoro peMalawi, Zimbabwe inofanira kutamba mimwe mitambo yegadziriro nezvikwata zvine mazita.

Pari zvino, Zimbabwe iri pachinhanho chechipiri nemapoinzi mana, mapoinzi maviri pasi peAlgeria, iyo irikutungamira gungano iri.

Botswana ine poindi imwechete asi Zambia haina kana poindi imwechete. Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenda kumafainari ayo achaitirwa kuCameroon muna Ndira.

Logarusic haasi kuvimbisa huchi nemumaka asi achiti iye achaita nepese paanogona kuti Zimbabwe ibudirire,

Zimbabwe yaenda kumafainari eAfcon kanokwana kana muna 2004, 2006. 2017 na 2019.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG