Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yoedzana Masimba ne Lesotho neNamibia


Chikwata cheZimbabwe Warriors Chichatamba neLesotho neNamibia Musvondo Rimwe Chete
Chikwata cheZimbabwe Warriors Chichatamba neLesotho neNamibia Musvondo Rimwe Chete

Chikwata chemaWarriors chasimuka chakananga kuLesotho chiine vatambi vana vakaberekerwa nekukurira kuEngland avo vakamboramba kutambira chikwata ichi.

Tendai Darikwa weNottingham Forest, Kudzai Benyu weCeltic, Macauley Bonne weLeyton Orient, naAdmiral Muskwe weLeicester, avo vakaberekerwa nekukurira kuEngland, vasimuka nechikwata chemaWarriors vakananga kuMaseru kumutambo wekuedzana masimba neLesotho uyo uriko neChitatu manheru.

Aka ndiko kekutanga vatambi ava vachibvuma kutambira chikwata chenyika ichi mushure mekumboramba vachiti ivo nhabvu munyika yaive isina kurongeka zvekukodzera kuti vatambire maWarriors mumakundano eAfrica Cup of Nations kana eWorld Cup.

Asi Darikwa anoti iye azvipira kutambira maWarriors sezvo kunyange akaberekerwa nekukurira kuEngland, midzi yake iri muZimbabwe.

Bonne anoti ari kufara kuuya kuZimbabwe achiwedzera iye kuti achaita nepese paanogona kuti Zimbabwe ibudirire mumutambo wenhabvu.

Murairidzi wemaWarriors, Wilson Mutekede, akadaidza vatambi ava nevamwe vanotambira zvikwata zvemuno kuti aone kuti vanokodzera here kutambira chikwata chake mumitambo ye 2019 Africa Cup of Nations nemimwe ichatevera.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti vane chivimbo nevatambi vari mukamba kuti vachamirira nyika zvine mutsindo kwete mumitambo miviri iyi chete asi nemimwe ichatevera.

Darikwa, Bonne, Muskwe naBenyu vachange vari mukamba nemaWarriors kwesvondo rese sezvo chikwata ichi chiine mumwe mutambo wekuedzana masimba neNamibia muWindhoek neMugovera.

Asi Zimbabwe ichange isina Knowledge Musona weKV Ostende kuBelgium naGeorge Chigova vePolokwane City kuSouth Africa, avo vakakuvara mumitambo yezvikwata zvavo mukupera kwesvondo.

Asi vamwe vatambi vese kusanganisira Marvelous Nakamba weClub Brugge kuBelgium, Kuda Mahachi weGolden Arrows kuSouth Africa, naTendai Ndoro weAl Faisaly kuSaudi Arabia, vari kupinda munhandare mumitambo yekuedzana masimba iyi.

Mitambo yekuedzana masimba iyi inoshandiswa neveFifa muongororo yavo yemamiriro ezvikwata zvenyika muhurongwa hwepasi rese kana kuti maWorld Rankings.

Zvamira zvakadai, veZimbabwe Football Association vadoma chikwata chevatambi makumi matatu nevatatu avo vairura makore ekare vachatamba kuti vatambe nevatambi vaimbotambira chikwata cheBarcelona muNational Sports Stadium neSvondo.

Vatambi ava vanosanganisa Ephraim Chawanda, Moses Chunga, Norman Mapeza, Peter Ndlovu, naBenjani Mwaruwari avo vaimbove kaputeni wemaWarriors panguva dzakasiyana.

Gwaro rabva kuna VaXolisani Gwesela mutauriri weZifa rinoti vamwe vatambi vachange vari munhandare vakamirira Zimbabwe vanosanganisira Kaitano Tembo, uyo anorairidza Supersport kuSouth Africa, Agent Sawu, Edward Sadomba, Esrom Nyandoro, Tinashe Nengomasha, naBrenna Msiska.

Vamwewo ndivana Japhet Mparutsa, Harlington Shereni, Desmond Maringwa, Dumisani Mpofu, Madinda Ndlovu, Ian Gorowa, Edelbert Dinha, naKennedy Nagoli.

Lloyd Chitembwe, Calisto Pasuwa naZenzo Moyo, varimowo zvekare muchikwata ichi.

Chikwata cheZimbabwe ichi chichange chichirairidzwa naSunday Chidzambwa achibatsirana naRahman Gumbo naDavid Mandigora.

Vatsigiri venhabvu vari kubvisa madhora maviri kuona mutambo uyu uyo ucharatidza zvekare vatambi vakaita saRonaldo wekuBrazil, Patrick Kluivert naRivaldo.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG