Accessibility links

Breaking News

Pfacha muCosafa Final - Zimbabwe Yotashurana neZambia neMugovera


Chikwata chemaWarriors chapinda mufainari yeCosafa Cup mushure mekukunda Lesoth 3-1.

MaWarriors akamirira mapenareti kupinda mufainari yemakundano ekuchamhembe kweAfrica aya mushure mekuita mangange 0-0 neLesotho mumutambo uyo Zimbabwe yakatarika zvinotyisa.

Kechipiri mumakundano aya, mubati wepagedhe, George Chigova, ndiye akasiya vatsigiri vemaWarriors vachinyemwerera mushure mekubata mapenareti maviri, mazuva matatu achangobva kubata mamwe matatu apo Zimbabwe yakarova Botswana.

Khama Billiart, James Mukombwe na Aleck Mudimu, vakakanda mumambure asi mubati wepembe akazoramba imwe penareti yeLesotho izvo zvakabva zvapa Zimbabwe kukunda 3-1 mushure mekunge Chigova aita mashiripiti ake.

Zimbabwe yave kusangana neZambia mufainari mushure mekunge Chipolopolo yadambura Madagascar 1-0 mune imwe semi fainari.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakarova Chipolopolo 3-1 mufainari yegore rapera, vaona maWarriors mumitambo yavo yavatamba pari zvino neBotswana newanezuro manheru neLesotho, havasi kugutsikana nematambiro emaWarriors.

PaLesotho, maWarriors akatadza kutamba nhabvu inoyevedza yavanozivikanwa nayo, zvekuti hapana chairatidza kuti maWarriors ari pamberi peLesotho muhurongwa hwenhabvu muAfrica kana munhoroondo yemitambo yavakambotamba.

Zvikwata zviviri izvi hazvina kusvika pagedhe kanoverengeka, mukana mumwechete uri kutaurwa nezvawo uri uyo wakatadza kupedziswa naTinotenda Kadewere apo aive akatarisana nemubati wepagedhe.

Kunze kwaTalent Chawapihwa uyo aimbofamba nebhora akananga kugedhe, vamwe vatambi vese veZimbabwe kusanganisira Khama Billiart vaive vakaita kunge vakanaiwa.

Asi iyi yave nhoroondo, Chigova achiti vave kutarisira kufainari achiwedzera iye kuti vanofanira kugadzirisa kutarisa kwavo pamambure kana vachida kutora mukombe uyu zvekare.

Zimbabwe, iyo ine mikombe yeCosafa mishanu, iri kutarisira kuve chikwata chekutanga kutora mukombe uyu katanhatu apo iri kukweshana neChipolopolo muNew Peter Mokaba Stadium neMugovera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG