Chikwata chemaWarriors chatarisana nekunyora peji itsva munhoroondo yemakundano eCosafa Cup apo chiri kupinda munhandare yePeter Mokaba Stadium neMugovera.
MaWarriors ari kupinda munhandare inotakura vanhu zviuru makumi mana nezvishanu vakatarisira kuve chikwata chekutanga mugungano reCosafa kutora mukombe uyu katanhatu kunyange hazvo vanga vachitatarika kusvika mufainari.
Pamusoro pezvo, chikwata ichi chatarisana nemari inoita iyo zviuru mazana mashanu nemakumi mashanu emarhanzi kana vakakunda Zambia mufainari iyi.
Zimbabwe ikakundwa, inowana zviuru mazana maviri nemakumi mashanu emarhanzi.
Pari zvino, maWarriors ane mikombe mishanu, mukombe mumwe chete pamusoro peAngola, South Africa neZambia, idzo dzine mikombe mina.
Zvikwata izvi zvasangana mumitambo yeCosafa Cup katanhantu, Zimbabwe ichikunda mumitambo mina, Zambia mumutambo mumwechete, mumwe wacho uchiita mangange.
Gore rapera, Zimbabwe neZambia dzakasangana zvekare mufainari Zimbabwe ikakunda 3-1 izvo nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJasper Femberai, vanoti zviri kudzokororwa.
Asi mumwe muteveri wenhabvu, VaLloyd Tambaoga, vanoti mutambo uyu uchange wakaoma zvikuru asi vanotarisira kuti pakugumisira Zmbabwe ndiyo ichakunda.
Zimbabwe inofanirwa kusimba kumberi sezvo Khama Billiart, Terence Dzvukamanja, Evans Rusike na Tino Kadewere vasiri kushandisa mikana yavari kuwana.
Zimbabwe yanga ichitatarika munzira yekusvika mufainari mumitambo yayo neBotswana neLesotho.
Zvichakadaro, muZimbabwe zvekare mune mutambowo mukuru apo zvikwata zviri kutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League, Ngezi Platinum Stars ne FC Platinum, zviri kubandana muBaobab Stadium.
Zvikwata izvi zvakaenzana pamapoinzi makumi matatu nemasere asi izvi zvingangosanduka mangwana munhandare iyo vasangana katatu, Ngezi ichikunda kaviri, FC Platinum, kamwe chete.
Asi muteveri wenhabvu asina kwaakarerekera pazvikwata zviviri izvi achitevera iye Caps United, VaMisheck Chisaga, vanoti semaonero avo FC Platinum ndiyo iri kukunda.
Ngezi Platinum Stars ichange isina vatambi vayo vaviri, Terence Dzvukamanja uyo ane chikwata chemaWarriors kuSouth Africa, nemubati wepagedhe, Donovan Benard, uyo ambomiswa nePremier Soccer League nemhaka yema kadhi ake akawandisa.
Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:
Mugovera
Caps United v Bulwayo City
Chicken Inn v Herentals
ZPC Kariba v Harare City
Svondo
Yadah v Chapungu
Shabanie v Black Rhinos
Mutare City Rovers v Dynamos
Highlanders v Bulawayo City
Facebook Forum