Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Hazvina Kumira Zvakanaka Mugadziriro yeZimbabwe Kuenda kuMakwikwi eAfcon


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Vatambi vakawanda vane mukurumbira kusanganisira Marvelous Nakamba weAston Villa nevamwe vangangotadza kunomirira nyika kumakundano eAfcon 2021 aya nemhaka dzakasiyana-siyana.

Chikwata chemaWarriors chatarisana nematambudziko makukutu chakatarisana nemakundano eAfcon 2021.

Vatambi vakawanda vane mukurumbira kusanganisira Marvelous Nakamba weAston Villa nevamwe vangangotadza kunomirira nyika kumakundano eAfcon 2021 aya nemhaka dzakasiyana-siyana.

Murairidzi weAston Villa, Steven Gerard, azivisa kuti Nakamba achatora chinguvana asingatambire chikwata ichi mushure mekukuvara paibvi apo Aston Villa yakarohwa 1-0 neLiverpool.

Nezuro, Nakamba haana kutamba apo Aston Villa yakarova Norwich 2-0 muCarrow Road achinzi anokwanisa kudzoka munhandare kuita gadziriro nevamwe mushure mekunge zororo rekisimisi negore idzva, radarika.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti vari kuda kuti vatambi vapinde mukamba musi wa 26 Zvita kuitira kuti vatange zvine mutsindo gadziriro yeAfcon.

Marongero avaive vaita aive ekuti chikwata ichi chipinde mukamba kutanga nhasi asi zvaramba nemhaka yekurwisana kuripo pakati peSport and Recreation Commission nevatungamiri veZifa

Pamusoro paNakamba, Brendon Galloway wePlymouth kuEngland naMarshall Munetsi weReims kuFrance, havasi kuuyawo kumakundano eAfcon aya nemhaka yekukuvara zvekare.

Tendai Darikwa, uyo anotambira Wigan Athletic kuEngland, anoti haasiwo kukwanisa kuenda kuAfcon sezvo ari kuda kugadzirisa zviri kunetsa kumba.

Tisingakanganwe Khama Billiart uyo akazivisa kuti haachakwanisa kutambira chikwata chenyika ichi zvekare.

Asi VaMpandare varongerwa kuti vaende kuSouth Africa kunoedza kutaura na Billiart kuti abvume kuenda kunotamba kuAfcon uku.

VaMpandare vanoti pachine nguva yekusarudza vatambi makumi maviri nevatatu avo vavachaenda navo kumafainari aya.

Makundano eAfcon ari kutanga musi wa 9 Ndira achipera musi wa 6 Kukadzi.

Zimbabwe, iyo iri kurairidzwa naNorman Mapeza, iri mugungano rimwechete neGuinea, Malawi, neSenegal.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakundano aya.

Zimbabwe haisati yambodarika nharaunda yekutanga kubvira muna 1980 apo yakatanga kukwikwidza nedzimwe nyika.

Sport and Recreation Commission yapa maWarriors mari yekuAmereka inoita iyo zviuru mazana masere emadhora, $800 000, yekushandisa paAfcon.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG