Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotashurana neAlgeria neSvondo


Zimbabwe Warriors will soon prepare for the 2016 African Nations Championship. (Photo: Joseph Njanji)

Ruzhinji rwunotevera mutambo wenhabvu rune chivimbo chekuti chikwata chavo chemaWarriors chichakunda mumutambo wavo wekutanga we2017 Africa Cup of Nations.

Chikwata ichi neSvondo chiri kusangana nemaDesert Foxes ekuAlgeria muStade de Franceville Stadium mumutambo uyo vanofanira kukunda kuti vachenese nzira yavo yekusvika mumakota fainari emakundano ezvikwata gumi nezvitanhatu aya.

Kunyange hazvo vekunze vasiri kupa maWarriors mukana mumutambo uyu, vakawanda munyika vane chivimbo chekuti chikwata ichi chichatora mapoinzi matatu, vachiti ivo kana zvatoomesesa, maWarriors anobuda nepoindi imwe chete.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaElliot Zhanje, vanoti vachitarisa matambiro anga achiita maWarriors munzira yekuenda kuGabon uku, Algeria inodamburwa.

Muteveri wechikwata cheHarare City, VaSimbisai Kadewere, vanoti Zimbabwe iri kurova Algeria yozotevera neTunisia munzira yavo yekuenderera mberi mumakwikwi aya.

Nhengo yeWarriors Fan Club, VaRichard January, vanoti zvibodzwa ndizvo zvakakosha mumutambo uyu kwete kutambira kufadza vanhu.

Algeria neZimbabwe zvakambosangana kuma 2004 Africa Cup of Nations apo maWarriors akakunda 2-1 nezvibodzwa zvakabva kuna mushakabvu Madinda Ndlovu naJoel Luphahla.

Asi Algeria yacho yasanduka zvikuru sezvo yave nevatambi vakawandisa vane mukurumbira kusanganisa Richard Mahrez uyo akatora mukombe we 2016 Africa Footballer of the Year.

Kunyange hazvo Mahrez akatora zvekare mukombe wePlayers Player of the Year muBarclays English Premiership, muteveri wechikwata cheDynamos, VaObert Masvotore, vanoti kana zvikwata zvine vatambi vane mazita zvinoroveka.

Kune vatsigiri venhabvu vakati wandei vakasimuka muHarare nezuro vakananga kuFranceville kunopa rutsigiro kuchikwata ichi vari munhandare.

Vamwewo vasina kuwana rombo rakanaka iri vachange vari muZimbabwe vamwe vacho vachiona mutambo uyu munzvimbo dzekutandarira vachipa maWarriors rutsigiro.

Vamwewo ndivo vari kutarisira kuita mari nemaWarriors nekubheja kuti chikwata ichi chichakunda.

Mumwe mutambo mugungano iri uri pakati peSenegal ne Tunisia.

XS
SM
MD
LG