Accessibility links

Breaking News

Chikwata chemaWarrior Choshaya Nyika dzeKuedzana Nadzo Masimba


Chikwata chenyika chemaWarrior.

Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors hachisati chawana zvikwata zvekuedzana nazvo masimba segadziriro yacho yema2019 Africa Cup of Nations.

Mutungamiri weZimbabwe Football Association, VaFelton Kamambo, vanoti havasati vawana zvikwata zvekuedzana masimba nemaWarriors segadziriro ye2019 Africa Cup of Nations kusvikira musi wa 12 Kubvumbi apo pachaitwa mubatanidzwa kana kuti draw yezvikwata zvichanokwikwidza kumafainari eAfcon.

VaKamambo vanoti kunyange hazvo vanga vachiita hurukuro nezvikwata zvine mukurumbira muAfrica zvakaita seNigeria, Ghana, Ivory Coast neSouth Africa, vatungamiri vezvikwata izvi varamba kuzvipira sezvo zvingaitike kuti Zimbabwe iiswe mugungano rimwe chete navo kumafainari.

VaKamambo varamba kuti Zimbabwe yakatowana kare mutambo nemaSuper Eagles ekuNigeria vachiti ivo vachazivisa kana musi wa 12 Kubvumbi wadarika kuti zhinhu zvakamira papi.

Zimbabwe yakakwanisa kuenda kuma fainari eAfcon muna 2004, 2006, na 2017, asi achingobuditswa munharaunda yekutanga.

Asi maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti rwendo rwuno kunotsva demo kuchisara mupini.

Mumwe mutambi wemaWarriors, Danny Phiri, anotiwo havasi kuenda kumafainari aya kunowedzera zvikwata zvinenge zviriko asi kunokwikwidza zvakasimba achiti iye maWarriors akasimba zvekusvika mukota fainari.

MaWarriors akapedza ari pamusoro mugungano ravo remunzira yekuenda kumafainari ayo achatanga musi wa 21 Chikumi.

MaWarriors akapedza ari pamusoro peDemocratic Republic of Congo, Libeeria, pamwe neCongo Brazzaville muGroup B.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupinda musvondo rechipiri pachitarisirwa chaunga chinotyisa muBarbourfields Stadium apo zvikwata zviviri zvirikutarisirwa kukwikwidza zvakasimba Caps United ne Hiighlanders zvirikubandana.

Zvikwata izvi zvinopihwa mari nekambani yeNetOne iyo yati ichabhadharira vatsigiri venhabvu vanopinda mumutambo uyu zvikamu makumi mashanu kubva muzana pamari yega yega yavari kufanira kubvisa pagedhe.

Sezvo mutambo uyu uri kuita madhora mashanu, vese vachada kuuona vachabvisa madhora maviri nemasendi makumi mashanu chete.

Asi chikwata chine mukombe uyu cheFC Platinum chine mutoro wakaoma apo chiri pamusha nevavakidzani vavo veTriangle.

Kubvira Platinum yapinda munhabvu yepamusoro haisati yamborova Triangle muMandava Stadium mumutambo weligi.

Muteveri wePure Platinum Boys, VaJameson Chiseko, vanoti ikozvino havasi kuita zvekutamba.

Mushure mekurova Mushowani Stars 2-0 mumutambo wayo wekutanga, murairidzi weDynamos, Lloyd Chigove, ari kutarisira kuti vatambi vake vachaita zvimwechetezvo apo vari kupinda munhandare imwe cheteyo yeRufaro Stadium neSvondo kusangana neHwange iyo yakakundawo Yadah 2-0 mumutambo wayo wekuvhura makwikwi emwaka uno.

Mimwe mitambo iriko mukupera kwesvondo yakamira seizvi…

Mugovera

Ngezi Platinum Stars v Mushonawani Stars

Bulwayo Chiefs v TelOne

ZPC Kariba v Herentals

Yadah v Chicken Inn

Svondo

Manica Diamonds v Harare City

Chapungu v Black Rhinos

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG