Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vokurudzira Kunzwanana Mudzimba, Munyika nePasi Rose


Chiwenga In Chinhoyi.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti dzidzo haisi yekuverenga mabhuku nekupasa bvunzo chete asi kuti inofanirwa kuyamura vanhu kuti vanzwisisane mudzimba, munyika uye nepasi rose.

VaChiwenga vataura mashoko aya pavanga vachiparura kuvakwa kwezvikoro zviviri zvedzidzo zvekereke yeRoman Catholic muChinhoyi.

VaChiwenga vati kuvakwa kwezvikoro izvi kunovhura mikana yekushandura hupenyu hwevana vakawanda.

VaChiwenga vati kudzidza hakusi kungoverenga mwana achipasa, asi kuti vanhu vadzidze kuyanana mudzimba, mumatunhu, munyika nepasi rose.

VaChiwenga vati vana vose vanofanirwa kuwaniswa mukana wekudzidza pasina rusarura rwekuti uyu mwanasikana kana kuti mwanakomana.

Mashoko aVaChiwenga anopesana zvikuru nezvavari kuita muhupenyu hwavo nyika yose yakatarisa.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, Muzvare Tafadzwa Machiya, vati VaChiwenga havakodzeri kuraira vanhu nezvekuyanana mudzimba ivo vachibuda mumapenhau nenhepfenyuro vachirambana zvine hutsinye mukati nemudzimai wavo, Muzvare Marry Mubaiwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wekereke yeRoma muChinhoyi, Father Raymond Mupandasekwa, vati kunyange vari kuvaka zvikoro, vanokumbira hurumende ruyamuro rwechikafu sezvo vanhu vasina zvekudya mudunhu.

Zvikoro zviviri zvichavakwa zvinonzi Our Lady of Perpetual Help Primary School ne Our Lady of Perpetual Help Secondary School.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG