Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanoramba Kupindura Mibvunzo yeVatori veNhau


General Constantino Chiwenga
General Constantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantino Chiwenga, varamba kupindura mibvunzo yevatori venhau vange vachida kuziva kuti ndiyani akatuma mauto kuti apinde mumigwagwa zvakazokonzera kufa kwevanhu vanomwe.

VaChiwenga varamba kutaura apo vavhura zviri pamutemo imba yekudzidzira yakavakirwa Reformed Church University nemauto.

Vashandisawo mukana uyu kuparura svondo rekucherechedza zuva remauto iro anopedza achishandira mumaruwa nenzvimbo dzeruzhinji.

VaChiwenga, avo vanova zvakare gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, varamba chikumbiro chabva kuvatapi venhau vachiti handizvo zvavange vafambira.

Asi vachitaura pavavhurwa imba ine makamuri mana ekudzidzira yakavakwa nemauto, VaChiwenga vati ibasa remauto kushanda neveruzhinji mukuvandudza budiriro mumaruwa kana nyika isiri munguva yehondo.

Asi veruzhinji munyika vari kunyunyutira mauto ayo ari kushandiswa mukushungurudza vagari kunyanya vatsigiri veMDC-Alliance avo vari kuramba zvakabuda musarudzo.

Mauto akapfura akauraya vanhu vatanhatu vairatidzira mu Harare svondo rapfuura uye ari kunzi ari kufamba achitsvaga vatsigiri ava, vachivabata vovaisa muhunhapwa pakati peusiku.

VaChiwenga havana kutaura nezvenyaya yakaitika kuHarare sezvange zvakatarisirwa nevazhinji kana kutaura nezvekukunda kwakaita bato ravo musarudzo, izvi zvashamisa vazhinji kusanganisira vatsigiri ve Zanu PF vange vari pamusangano uyu.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mukuru we Reformed Church University, Rev Dr Rangarirai Rutoro, vatenda mauto nekuvaka dzimba dzekudzidzira vachiti ndizvo zvavanofanira kuita munyika pamwe nekuchengetedza runyararo.

Vanorwira kodzero dzevanhu muMasvingo, Muzvare Esther Chimanikire, vanoti zvaitwa kuchikoro cheRCZ ndizvo zvinofanira kuita mauto munguva yerunyararo pane kushandiswa mune zvematongerwe enyika.

VaChiwenga, ndivo vaive mukuru wemauto mungova yeOperation Restore Legacy, iyo yakamakidza vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kusiya basa.

Zvichitevera kusiya basa kwaVaMugabe, VaMnangagwa vakabva vadomwa neZanu PF kuti vatore basa raVaMugabe, vakabva vadomawo VaChiwenga semumwe wevatevedzeri vavo muhurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG