Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vovimbisa Kusimudzira Nzvimbo yeArcadia Vachiti Yakasarira Zvikuru


Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti hurumende iri kuronga zvekudzosa dhora remuZimbabwe senzira yekuedza kupedza dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.

Vachitaura nevatsigiri veZanu PF pamusangano waitirwa paArcadia Community Hall muno muHarare, VaChiwenga vati hurumende ine hurongwa hwekudzosa dhora remuZimbabwe senzira yekuedza kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari.

VaChiwenga vakurudzirawo vezvitoro kuti vabvume kutambira mhando dzemari yakaita seEcocash pamwe nekuti vashandise makadhi ekumabhanga.

VaChiwenga vati kudzoswa kwedhora remuZimbabwe kuchaitwa zvichienderana nekusimuka kunenge kuchiita hupfumi hwenyika vakati zvinhu zvese zvinofanira kunge zvanakira veruzhinji muna 2025.

Mumwe mutsigiri weZanu PF anga pamusangano uyu, Muzvare Susan Mapisa, vati pfungwa dzaVaChiwenga dzakanaka zvikuru sezvo mari yave kungowanikwa pamukoto.

Asi mumwe mutsigiri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Rebecca Masukume, vanogara muArcadia makare umo maitirwa musangano uyu, vati zvataurwa naVaChiwenga izvi hazvina musoro.

VaChiwenga vavimbisa kuti hurumende ichaita kuti vanhu vose vanogara muArcadia vatariswe zvakafanana nevamwe veganda dema vachiti makaradhi mazhinji ari kuonekwa sema alien vakati vachaita kuti vapihwe zvitupa zvisina kunzi alien.

Vatiwo nharaunda yeArcadia inofanira kusimudzirwa munyaya dzemigwagwa, nzvimbo dzekutandarira pamwe nekuita kuti zvikoro zvepamusoro kana kuti secondary zviwande munzvimbo iyi sezvo mune zviviri chete.

Mumwe mugari wemuArcadia, Amai Anne Downward, vati hupenyu hwakavaomera zvekuti vari kuswera vachipemha.

Asi VaChiwenga vati kana veruzhinji vakavhotera Zanu PF musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru, zvinhu zvichavanakira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG