Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inovhota Ichiramba Kutambira Chisungo cheUN Chinorambidza Kupondwa kweMarudzi, Kuparwa kweMhosva dzeHondo neZvimwe


Unga United Nations

Zimbabwe imwe yenyika gumi neshanu dzakavhota dzichipikisa kutambirwa kwechisungo cheUnited Nations General Assembly chinorambidza kupondwa kwevanhu, kuparwa kwemhosva dzehondo pamwe nerusarura pakati pemarudzi.

Asi chisungo ichi chakabudirira zvichitevera kutambirwa kwachakaitwa nemusi weChipiri nenyika zana negumi neshanu dzinosanganisira vavakidzani veZimbabwe, South Africa neBotswana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Center, VaEnerst Mudzengi, vati chisungo chakatambirwa neUnited Nations ichi chinopa nyika dziri musangano iri mukana wekuyamura zvizvarwa zvedzimwe nyika kana zvave kushungurudzwa nehurumende dzazvo.

Mudzidzisi mukuru pachikoro cheUnversity of Zimbabwe uye vari mukuru
weMass Public Opinion of Zimbabwe, Professor Eldred Masunungure, vati kuvhota kweZimbabwe kune chekuita nekusada kuferefetwa kwenyika munyaya dzemhirizhonga dzakaitika musarudzo dzakapfuura.

Zimbabwe ine nhoroondo yemhirizhonga inozivikanwa pasi rose zvichitevera kupondwa kwakaitwa vanhu munguva yeGukurahundi kumatunhu eMatabeleland neMidlands, iyo yakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa.

Pane mhirizhonga yakaitikawo muna 2000 apo bato idzva reMovement for Democratic Change, MDC, rakatyorerwa kodzero dzenhengo dzaro, dzimwe nhengo dzebato iri dzinoti Talent Mabika naMorgan Chiminya dzikaurayiwa mumhirizhonga yakaitika kuBuhera.

Vakauraya vaviri ava vanozivikanwa asi havana kusungwa.

Muna 2005 vanhu vakaputsirwa dzimba dzavo nehurumende izvo zvakasiya vanhu vanodarika mazana manomwe ezviuru vasina pekugara, uye vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nemazana mana ezviuru vakasara vavhiringwa neOperation Murambatsvina.

Sangano reUnited Nations rakatumira nhumwa rayo, Amai Anna Tibaijuka, avo vakaburitsawo gwaro raishora zvainge zvaitwa nehurumende yeZimbabwe.

Muna 2008 zviuru nezviuru zvenhengo dzeMDC zvakaparadzirwa dzimba, kutorera zvipfuyo pamwe nekufirwa nehama mumhirizhonga yakaitika musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa mushure mekunge mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakunda vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe, nemavhoti anonzi aive pasi pemavhoti anotarisirwa nemutemo kuitira kuti munhu anzi akunda sarudzo iyi zviri pamutemo.

VaTsvangirai vakabuda musarudzo iyi vachiti havangarambe vari musarudzo yaiurayisa vatsigiri vavo.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo,
vati kuvhota kwakaita Zimbabwe muGeneral Assembly kunoburitsa pachena kuti vatungamiri vemunyika vanofarira kupondwa kwezvizvarwa zvemunyika.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika,
VaFredrick Shava, kana gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo mbozhanhare dzavo dzanga dzisingadavirwe.

Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vanyora
padandemutande ravo kuti kuvhota kweZimbabwe kuUnited Nations
kwakazembera panhoroondo yenyika, zvakadzidzwa nenyika
mukushamwaridzana kwayo nedzimwe nyika pamwe nemanzwisisiro anoita vatungamiri munyaya dzepasi rose.

Asi vachangotora mhiko kuti vave nhengo yekomisheni yekuregererana, reZimbabwe Peace and Reconciliation Commission, VaObert Gutu, vati vanotambira danho reZimbabwe.

Dzimwe nyika dzavhota dzichipesana nedanho iri dzinosanganisira
Russia, Cuba, Nicaragua, Burundi, North Korea, Egypt nedzimwe idzo
dzinonzi nevezvematongerwo enyika dziri pasi pehurumende dzinotonga
nechisimba.

Gore rapera, Zimbabwe yakava nyika yoga yemuAfrica yakapikisa chisungo cheGeneral Assembly chekuomesera Myanmar nepamusana perusarura rudzi kwairi kuita munyika iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG