Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKuongorora Mazita Chinotanga neChinono muMasvingo


Vanhu vanokwanisa kuona kana mazita avo akanyorwa zvakanaka
Vanhu vanokwanisa kuona kana mazita avo akanyorwa zvakanaka

Mudhorobha reMasvingo dzimwe nzvimbo dzanonoka kuvhurwa, mushure mekunge zvikwanisiro zvakita sezvigaro pamwe nemagwaro evavhoti zvanonoka kuendeswako neZEC.

Apowo vagari vazhinji vanga vachiuya mumwe mumwe zvichiratidza kuti vazhinji havasi kuziva nezvechirongwa ichi nekuda kwekuti hachina kunyatsoshambadzwa.

VaMuranganwa Chanyau, veku Ward 3 muMasvingo vati vaongorora zvinyorwa zvavo, asi basa rambononoka kutanga.

“Inspection ndainda ndikaona zita rangu ririmo but patanga process ichifana kutanga na 7 am yanonoka panga pasina ma materials se funirture uye mamwe ma premises anga akavharwa zvichiratidza kuti zvanga zvisina kunyatsorongeka.”

Asi vamwe vakaita saVaChrispen Mutyavakuru, vanoti kunyange pambononokwa, chirongwa ichi chakanaka zvikuru uye chazofamba zvakana.

“Ndinoona zvinhu zvacho zvakarongeka zvisingambobviri zvekuti dai vanga vashambadzira kuti vanhu vave vanouya vakawanda vachiona mazita akabhukiwa zvakanaka.”

VaInnocent Taweni vakurudzira boka reZEC kuti rivandudze zvirongwa zvekushambadza chirongwa ichi vachiti vanga vasingatozivi nezvacho, asi vangosangana nacho vauya pazvitoro kuzobvisa bhabharasi.

Zvichakadaro vamwe vanoti chirongwa ichi chatanga chakaneta nekuti vashandi veZEC vakabva kuhurumende vari kuita basa iri vari kushanda vasingafari zvichitevera kudzikiswa kwakaita mari dzavanofanirwa kubhadharwa pazuva.

ZEC yakaudza vashandi ava, vazhinji vavo vakaita basa rekunyoresa vavhoti, kuti yave kudzikisa mari kubva pamadhora makumi matatu kusvika pamakumi maviri ichiti yaita izvi nekuda kwekuti hurumende haina mari.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza vashandi avo vakapika kuti vachashanda zvishoma nezvishona, semumwe mushandi akataura neStudio 7 akaramba kudomwa zita rake.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru weZEC muMasvingo, VaZex Pudurai kuti vatipewo pfungwa dzavo pane zvaitika.

Asi Amai Priscilla Chigumba, vanove sachigaro veZEC, vakabvuma kuti mari yevashandi yakadzikiswa asi hapana zvavaikwanisa kuita nekuti hurumende haina mari.

Chirongwa ichi chatanga nhasi nyika yose uye chinopera musi wa 29 Chivabvu.

Asi vamwe vanoti chakaramba chichiitwa nechinono uye chisina kuwedzera kushambadzwa, vazhinji vachatadza kuongorora mazita avo kuitira kuti vanenge vasina kunyorwa zvakanaka vakwanise kunyoresa patsva pachirongwa chekunyoresa, icho chakawedzerwawo nzvimbo dzekunyoresera.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG