Accessibility links

Breaking News

Standard Yoomesera Vanoda Kushandisa Visa Kunze kweNyika


Bhanga reStandard Chartered Bank razivisa kuti vanhu vane mari dzavo mubhanga iri havachakwanise kushandisa maATM cards kana vari kunze kwenyika.

Kushandisa visa card kunze kwenyika kwava kubvumidzwa kana munhu apihwa mvumo nebhanga iri.

Izvi zvinonzi zviri kuitwa pasi pezviga zvakatarwa neReserve Bank of Zimbabwe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti uyu munongedzo wekuti zvinhu munyika zvave kutoramba zvichioma uye bond note rave kuramba richishaya simba apo makambani anoda kutenga zvinhu kunze asiri kuwana mari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvaitwa nebhanga reStandard imviro mviro yemhanza vachiti vanhu vave kushaya chivimbo nemari yemabond notes.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru wekambani yePeakfoard Management Consultancy, VaAlbert Mandizvidza, avo vatiwo panomera muswe panonyerekedza.

Asi vanotungamira bato rinopikisa uye vaimbova gurukota rezvehupfumi, Doctor Simba Makoni, vanoti Standard Chartered inenge yange yatosaririra segotsi nekuti mamwe mabhanga ange agara atotora danho iri pakangoparurwa mari yemabond notes.

Vaenderera mberi vakati mabond notes kubva zvaaparurwa agara ari dambudziko kunyange gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vaiita manatsa mukanwa endonda kurota ichiyamwa vachiti achabatsira.

Vanotungamira bato rinopikisa reProgressive Democratic Party uye vaimbovawo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti vemakambani vaomerwa zvakanyanya nekushaya mari yekunze.

Vanasorojena vanoti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana, ko dambudziko rapinda mumusha iri ringagadziriswe sei?

VaMakoni vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato reZanu-PF havasi kuratidza hutungamiri zvopa kuti imbwe idye matehwe nekushaya muvhimisi.

VaMandizvidza vanoti chave kuitika pari zvino kushanda kwemutemo unonzi Gresham Law unoti pakaita mari mbiri dzinenge dziri pamusika vanhu vanopedzisira voisa mudura mari yavanofunga kuti ine huremu huri nani.

VaMandizvidza vatiwo zvine manenji kuti gudo ripunzike mumuti, asi vati panyaya yeZimbabwe hakuna zvitsva nekuti yakambofamba munzira iyi VaGideon Gono vari gavhuna.

Zimbabwe yakamisa kushandisa dhora remunyika makore masere apfuura ichishandisa mari dzakawanda wanda dzekune dzimwe nyika mushure mekunge dhora iri rapinda munhoroondo yepasi rose yekushaya simba.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG