Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatungamiri veMapato Anopikisa Vokurudzira Vanhu Kuti Vabayiwe Nhomba yeCovid-19


Mutungamiri webato rinopikisa, reLabour, Economists and Democrats (LEAD), Muzvare Linda Masarira, vanoti vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vasatarisa denda reCovid-19 sedambudziko renyika yeZimbabwe chete izvo zvinozoita kuti varitarise neziso rezvematongerwo enyika.

Muzvare Masararira, avo vakave mumwe wevatungamiri vemapato anopikisa vakabatana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pakuparurwa kwechikamu chechipiri chekubaiwa kwenhomba yeSinopharm, yekudzivirira Covid-19 kuVictoria Falls nezuro, vanotiwo kunyange hazvo vana veZimbabwe vaine kodzero yekusarudza chakavanakira, zvakakoshawo kuti vasarudze kuzvidzvirira kubva kuchirwere ichi kuburikidza nekubaiwa nhomba iyi.

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, ndemumwe wevatungamiri vanopikisa vakavewo pachiitiko ichi.

VaMnangagwa vakatora mukana uyu kubaiwawo nhomba yavo yekutanga, pamwechete negurukota rezvekudzviririrwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, naMuzvare Masarira.

VaMwonzora vakabaiwawo nhomba yavo yepiri kuWilkins muHarare nezuro wakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG