Rimwe sangano rinomirira vanozviitira mabasa emaoko, reQueen of Grace Zimasset Trust, iro ranga riine hurongwa hwekuchenesa guta reHarare pamwe nekutanga kubvisa vanotengesera mumigwagwa mukati meguta, rinoti hurongwa hwekuchenesa guta hwabudirira.
Asi hurongwa hwekuti sangano iri riburitse vanotengesera mumigwaga hahuna kuitwa nezvikonzero zvisina kuzivikanwa.
Mukuru wesangano iri, VaEphraim Chizola vanoti zviuru nezviuru zvevanhu zvabatana nesangano ravo mukuchenesa guta, uye hurongwa hwavo hwafamba sematarisiro avo.
Asi varamba mashoko ekuti vanhu vamanikidzwa vachiti vanhu vose vabuda pasina kumanikidzwa, chiratidzo chekuti vari kutambira sangano ravo.
Sangano iri rinonzi ranga richitengesawo makadhi ekuti vanhu vave nhengo, danho rinonzi naVaChizola nderekuunganidza mari yekuti sangano ravo rizobatsira nhengo mune remangwana.
Vanhu ava vanonzi vazoungana paHarare Main Post Office apo gurukota rezvemakambani madiki neepakati, Amai Sithembiso Nyoni vanonzi vazotaura kuvanhu ava.
Asi mukuru werimwe sangano revanotengesera mumigwagwa, reNational Vendors Union Zimbabwe VaSamuel Wadzayi vanoti sangano reQueen of Grace ZimAsset Trust ramanikidza vanhu kuenda kumusangano waro, richishanda nevechidiki vebato reZanu PF.
Vanoti nhengo dzavo hadzina kupinda muhurongwa uhwu sezvo hwanga huri hwezvematongerwo enyika.
VaWadzayi vanoti vanhu vanoshandira mumigwagwa vanga vachimanikidzwa kutenga makadhi esangano iri, ayo anonzi anga achitengwa nedhora rimwechete.
Vanoti Queen of Grace Trust iri kushandiswa nevezvematongerwo enyika kutora mari dzevanhu kuburikidza nekuvabhadharisa mitero nezvimwe zvakadaro.
Bepanhau reSunday Mail remusi wa 7 Chikumi gore rino rakati kune masangano ari kunyuka akawanda anosanganisira iro reQueen of Grace ZimAsset Trust, arikuyedza kusvisebedza pedyo nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nezvinangwa zvekuedza kuwana kucherechedzwa uye kuti asanan’anidzwa nevemutemo.
Asi VaChizola varamba muonero uyu vakati sangano ravo harina kana rimwe zuva rarakamboshandisa zita remudzimai wemutungamiri wenyika kuendesa mberi zvido zvaro.
Vanoti zita ravo rine chekuita nenyasha dzeMusiki kwete Amai Mugabe.