Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera kuEgodini muBulawayo Votaura reMangwana Ravo


Byo Vendors
Byo Vendors

Vamwe vanorarama nekutengesa muBulawayo havasati vabva pane imwe nzvimbo yavari kutengesera mavhiki maviri mushure mekunge kanzuru yati vanofanirwa kubva panzvimbo iyi iyo iri kuda kuvakirwa zvitoro, kana kuti shopping mall.

Kanzuru yeguta reBulawayo yaive yati vanhu vanotengesera paEgodini nemunharaunda mayo, vaifanirwa kunge vabva panzvimbo iyi pakupera kwemwedzi wapera kuitira kuti vakapiwa basa rekuvaka Egodini Mall vatange kuita basa iri.

Kanzuru yakazobvumirana nevanhu ava kuti vaizofanirwa kubva panzvimbo iyi mukati memasvondo mavri kubva pakutanga kwemwedzi uno asi vanhu ava vachiripo nanhasi.

Vamwe vevanotengesa paEgodini vaudza Studio7 kuti vaita musangano nekanzuru nhasi vakabvumirana kuti vachatanga kubva panzvimbo iyi kana vanyorerana chibvumirano nekanzuru chekuti vanhu vanenge vabviswa panzvimbo iyi ndivo vachatanga kupiwa mukana wekudzokapo kana pachinge papera kuvakwa.

Mumwe wevanotengesa panzvimbo iyi, Muzvare Eunice Ndlovu, vati kunyange hazvo vachibvuma kuti kuvakwa kweEgodini Mall kunogona kuunza budiriro, vanotyira kuti vachange vave kuwana mari shoma pane yavanochiwana kana vakabva panzvimbo iyi.

VaJabulani Mkhize avo vati vave nemakore akawanda vachitengesawo vari paEgodini vatsinhirawo izvi vachiti zviri nani kuti vanhu vakaita saivo vapiwe mabasa ekuita pachatanga kuvakwa Egodini Mall kuitira kuti vagokwanisa kuramba vachiwana mari yekuriritira mhuri dzavo semazuva ose.

Mumwe mutyairi wemakombi, VaJustice Mangena, vati havazi kufara nekwavari kunzi vaende vachitiwo havawone budiriro yakanyanya ichaunzwa nekuvakwa kweEgodini Mall vakati zviri nani kuti kuvakwe kana kumutsurudzwa maindasitiri anowanisa vanhu vakawanda mabasa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kukanzuru panyaya iyi.

Asi gore rakapera kanzuru yakazivisa nezvekuvakwa kweEgodini Mall uye kuti vanotengesa vari panzvimbo iyi pamwe nevemakombi vaizofanirwa kubva.

Mune imwewo nyaya, mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mapurisa munyika ari pakati pekudzidziswa kuti vashande zvakanaka nevatori venhau kuitira kuti pasave nekufungirana kwakaipa pakati pavo nevatori venhau.

Senior Assistant Commissioner Charamba, avo vange vachitaura pane mumwe musangano wekudzidzisa vatapi venhau nezvekutapa nhau panguva yesarudzo, vati vatori venhau vanoita basa rakakosha kuzivisa veruzhinji pamusoro pezvakasiyana-siyana zvinoitika munyika.

Pave nenguva yakareba vatapi venhau vachichema-chema kuti mukuita basa ravo rekutapa nhau vanoshungurudzwa, kurohwa kana kusungirwa zvinhu zvenhando nemapurisa.

Senior Assistant Commissioner Charamba vati zvakakosha kuti mapurisa nevatapi venhau vashande pamwe zvakanaka.

Masangano ane chekuita nevatori venhau anosanganisira reMedia Institute of Southern Africa, Zimbabwe Union of Journalists nereZimbabwe National Editors’ Forum ari kuita chirongwa chekuedza kuti pave nekudyidzana kwakanaka pakati pevatori venhau nemapurisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG