Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutengesa Vonyunyuta neKusiiwawo muHurongwa Hwemari yeKubatsira veMabhizimusi


Vanorarama nekutengesa vanoti gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanofanirwa kuvaisawo muchirongwa chemari yekubatsira mabhizimusi munguva ino yeCvid-19.
Vanorarama nekutengesa vanoti gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanofanirwa kuvaisawo muchirongwa chemari yekubatsira mabhizimusi munguva ino yeCvid-19.

Sangano Vendors Initiative for Social and Economic Transformation, kana kuti VISET, rinoti riri kushushikana zvikuru nemashoko egurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube ekuti mari yekubatsira vemabhizimi munguva yekurwisa denda reCovid-19 yakaiswa parutivi nehurumende inosvika mabhiririyo gumi nemasere kana kuti 18 billion RTGS haisi kuzopihwa vanozviitira mabasa emaoko.

VaChitaura mudare reparamende svondo rapera, VaNcube vakati mari iyi ichakwereteswa vemabhizimisi makuru kuburikidza nemabhanga uye RBZ iri kuisa mari yechibatiso inosvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana.

VISET inoti vemabhizimi madiki nevanozviitira mabasa emaoko vari kudawo rubatsiro sezvo vari kutatarika kumutsiridza mabhizimisi avo akanganiswawo nechirwere cheCovid-19.

Mukuru weVISET VaSamuel Wadzayi vanotiwo hurumende inokwanisa kushanda nemakanzuru kugadziridza misika yekuti vakwanise kushanda vakasungunuka.

Hatina kukwanisa kubata VaNcube sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG