Rimwe remasangano anomirira vanoita mabasa ekutengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET) rinoti riri kufara nemafambiro aita zvinhu muHarare nhasi apo nhengo dzaro dzadzokera kumabasa.
Mutungamiri wesangano iri, VaSamuel Wadzai, vanoti pane zvinoda kugadziriswa nemakanzuru nehurumende zvakaita sekuwanikwa kwemvura munzvimbo dzinotengesera veruzhinji nezvikwanisiro zveCovid-19.
Vanoti vakatarisira kuti hurumende ichaita zvirongwa zvekudzidzisa vatengesi pamusoro penhomba yeCovid-19 iri kubaiwa vamwe pari zvino kuitira kuti vatengesi vemumigwagwa vave nechivimbo nayo.
"Tiri kutarisira kuti hurumende itange zvirongwa zvekudzidzisa vanotengesa mumigwagwa nezve nhomba irikubaiwa vanhu kutira kuti vazhinji vawane ruvimbo ne nhomba iyi," vadaro VaWadzai.
Kudzokera kwevanhu ava mumigwagwa kunotevera kunyevenutswa kwemitemo yeCovid-19 kwakaitwa neMuvhuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Facebook Forum