Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vodzokera kuMabasa Avo


Even street vendors in Zimbabwe are struggling, occupying almost all available space in Harare's streets, Oct. 2017. (S. Mhofu/VOA)
Even street vendors in Zimbabwe are struggling, occupying almost all available space in Harare's streets, Oct. 2017. (S. Mhofu/VOA)

Rimwe remasangano anomirira vanoita mabasa ekutengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET) rinoti riri kufara nemafambiro aita zvinhu muHarare nhasi apo nhengo dzaro dzadzokera kumabasa.

Mutungamiri wesangano iri, VaSamuel Wadzai, vanoti pane zvinoda kugadziriswa nemakanzuru nehurumende zvakaita sekuwanikwa kwemvura munzvimbo dzinotengesera veruzhinji nezvikwanisiro zveCovid-19.

Vanoti vakatarisira kuti hurumende ichaita zvirongwa zvekudzidzisa vatengesi pamusoro penhomba yeCovid-19 iri kubaiwa vamwe pari zvino kuitira kuti vatengesi vemumigwagwa vave nechivimbo nayo.

"Tiri kutarisira kuti hurumende itange zvirongwa zvekudzidzisa vanotengesa mumigwagwa nezve nhomba irikubaiwa vanhu kutira kuti vazhinji vawane ruvimbo ne nhomba iyi," vadaro VaWadzai.

Kudzokera kwevanhu ava mumigwagwa kunotevera kunyevenutswa kwemitemo yeCovid-19 kwakaitwa neMuvhuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG