Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Vanorohwa Zvakaipisisa muHarare


Imwe nhengo ye MDC-T yechidiki, Va David Mazibiye, vanoti vakarohwa zvakaipisisa neSvondo nevanofungirwa kuti inhengo dze Zanu PF kuMbare uko vaifanirwa kuita musangano wevechidiki webato ravo.

Imwe nhengo ye MDC-T yechidiki, Va David Mazibiye, vanoti vakarohwa zvakaipisisa nezuro nevanofungirwa kuti inhengo dze Zanu PF kuMbare uko vaifanirwa kuita musangano wevechidiki webato ravo.

VaMazibiye vanoti ivo nevamwe vavo vanodarika gumi vakarohwa mapurisa akatarisa kunyange hazvo bato ravo rakanga rawana mvumo yekuita musangano wavo.

"Takarohwa takawanda isu vechidiki ve MDC-T uye vamwe vachiri muchipatara mushure mekukuvara pachiitiko chanezuro. Isu tinofungidzira kuti inhengo dze Zanu PF dzakatirova sezvo vakaita izvi pamberi pemapurisa asina kana kusunga munhu," VaMazibiye vaudza Studio7.

"Chakanyanya kutirwadza ndechekuti takange tawana mbumo kubva kumapurisa kuti tiite musangano uyu asi takawana panzvimbo pataida kuitira musangano uyu pakazara nhengo dze Zanu PF dzainge dzichitamba bhora nekunwa doro nekuputa mbanje zvakaita kuti tizive kuti havasi vamwe vekubato kwedu nekuti vekwedu havaite izvi zvisina hunhu," VaMazibiye vaenderera mberi.

Studio7 haina kukwanisa kubata bato re Zanu PF kana mapurisa kuti tinzwe divi ravo.

Hurukuro NaVaDavid Mazibiye
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG