Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheNhomba yeCovid-19 Chonanaira seRwaivhi


Covid 19 Vaccine.
Covid 19 Vaccine.

Apo chikamu chekutanga chekubaya vanhu nhomba munyika chave kusvika kumagumo, vamwe vatori venhau vabayiwawo nhomba iyi mumaguta akasiyana siyana.

Vatapi venhau vane chitsama vanoshandira makambani akasiyana-siyana kusanganisira mamwe ehurumende, vabaiwa nhomba yekudzivirira chirwere checovid-19 muBulawayo.

Izvi zvaitika mushure mekunge kanzuru yeguta reBulawayo ichishanda pamwe nebazi rezvehutano yatara zuva ranhasi sezuva rekuti vatapi venhau vange vachida kubaiwa nhomba iyi vabaiwe.

Mumwe wevatapi venhau vabaiwa ndiAbigail Khupe uyo audza Studio7 kuti akamborwara nechirwere cheCovid-19 saka atora danho rekuti abaiwe senzira yekuedza kuzvidzivirira iye pamwe nemhuri yake.

Mumwewo mutapi wenhau Muzvare Tanaka Gumbo ati aona zvakanaka kuti abaiwe nhomba sezvo achiziva kuti basa rake rinoita kuti asangane nevanhu vakawanda izvo zvinoita kuti ave panjodzi yekubatwa nechirwere checovid-19.

Muzvare Gumbo vati vanhu havafanirwe kutya kubaiwa sezvo nhomba dzose dziripo dzakatambirwa neWorld Health Organisation, kana kuti WHO, uye dzakaitwa navana mazvikokota munyaya dzezvehutano.

Muaturiri wekanzuru yeguta reBulawayo, Amai Nesisa Mpofu, vaudza Studio7 kuti kanzuru ichishanda pamwe nebazi rezvehutano yanga yasendeka parutivi zuva ranhasi kuti vatapi venhau vabaiwe sezvo vari vamwe vevanhu vanoita basa rakakosha.

Vakafanobata chigaro chaProvincial Medical Director wedunhu reBulawayo, Dr Wecome Mlilo, vati havasi kukwanisa kutaura kuti vanhu vangani vabaiwa kusvika pari zvino mudunhu reBulawayo asi vati vane chokwadi chekuti vachakwanisa kusvika pavanhu vanopfuura zviuru zvitanhatu vavanotarisira kuti vabaiwe nhomba.

Mukuru wezvehutano mdunhu reMatabeleland North, Dr Munekayi Padingani, vati kubaiwa nhomba kwevanhu mudunhu iri kwakati nonokei kutanga sezvo vanhu vange vasati vave neruzivo rwakakwana.

Asi vati kusvika nezuro pane vanhu vanopfuura zviuru zviviri vange vabaiwa nhomba iyi mudunhu ravo.

Taedza kunzwa kubva kumutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, kuti chirongwa ichi chiri kufamba sei munyika mose sezvo vati vange vari mumusangano.

Chikamu chekutanga chekubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere checovid-19 chakatanga munyika svondo rapera chakanangana nevashandi vanoshanda mune zvehutano, vechiuto nemapurisa pamwe nevanoshanda kumabhodha enyika.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti yainge yabaya vanhu zviuru makumi maviri nechimwe nemazana mana nemakumi mashanu nevatanhatu, 21456, vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG