Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kumisa Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu


Zimbabwe Protests

Sangano ravana chipangamazano muAmerica, re Freedom House, rinoti Zimbabwe inofanirwa kumisa kusunga kwairi kuita vanhu vanoipikisa, uye inofanirwa kuferefeta kurohwa pamwe nekutochwa kuri kuitwa vanhu nehurumende.

Vachinyora mugwaro ravatumira kumasangano enhau, mukuru wezvirongwa zvemuAfrica musangano iri, Va Jon Temin, vanoti kumbunyikidzwa kuri kuitwa vanhu muZimbabwe, kunotyora kodzero dzavo dzekuungana, pamwe nekutaura vakasununguka.

VaTemin vati kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuramba kuchienderera mberi muZimbabwe zvisineyi kuti mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vakavimbisa Zimbabwe itsva pasi pehutongi hwavo, uho vanoti hwakasiyana nehwavaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017.

Va Temin vanoti kana hurumende yeZimbabwe ichida zvechokwadi kusiya maitiro ayo ekare akashata, inofanirwa kusunga vose vari kutyora kodzero dzevanhu.

Studio7 haina kukwanisa kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende, asi nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Gwaro reFreedom House rinobuda zvichitevera kumbunyikidzwa kwakaitwa vanhu musi Nyamavhuvhu 16, 2019 apo mapurisa akarambidza bato reMDC kuratidzira muHarare.

Asi pane vanhu vakapinda muguta vachida kuratidzira vakapedzisira varohwa nemboma dzemapurisa, uye kusungwa.

Mapurisa akaenderera mberi nekurambidza bato iri kuita misangano yavo mumaguta anoti Bulawayo, Gweru, Masvingo neMutare.

Mapurisa emuHarare akasunga nhengo nomwe dzesangano reAmalagmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, gweta resangano iri, VaDoug Coltart, pamwe nemumwe munhu asineyi nekuratidzira kwaiitwa nenhengo dzesangano iri pamahofisi egurukota rezvemari musi waNyamavhuvhu 23, 2019.

Imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vanoti vanowirirana negwaro reFreedom House nokuti hapana mutsauko pakati pehurumende yaVaMnangagwa nehurumende yaive yaVaMugabe.

VaMukundu vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kugara pasi votaurirana nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuitira kuti gakava riripo pakati pavo rigadziriswe.

VaMukundu, ava vakamboshanda nesangano reFreedom House, vanoti zvakakoshawo kuti vatungamiri venyika dzemuSADC vatore matanho ekuona kuti VaMnangagwa naVaChamisa vataurirana, kwete kungomhanyira kushora zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende pamwe nemuZanu PF.

VaMukundu vanoti Zimbabwe inofanirwa kubatsirwa kuitira kuti gakava riripo rigadziriswe izvo zvinozoita kuti munyika nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu zvinozopawo nyika dzakabudirira kuti dzibvise zvirango zvakamerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG