Accessibility links

Breaking News

Makanzuru eMaguta neMadhorobha Ozeya Nzira Dzinokwezva Mabhizinesi


Gungano reLocal Government Investment Conference iro rinounganidza makanzuru emaguta nemadhorobha, ratanga muBulawayo vemakanzuru vachizeya zvimhingamupinyi zvavanosangana nazvo pamwe nemikana iri munzvimbo dzavo yekuti vemabhizimisi vasime mari.

Sachigaro wegungano reLocal Government Investment Conference, kana kuti LOGIC 2018, VaGeorge Makunde, vati gungano regore rino riri kuuya panguva iyo nyika yakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kushaikwa kwemari izvo vati zvinoita kuti makanzuru aomerwe nekuita mabasa.

Asi VaMakunde, avo vanove munyori wekanzuru yeChitungwiza, vaudza Studio7 kuti vanoona chinangwa chehurumende chekuti Zimbabwe ive nyika yabudirira panosvika gore ra2030 chichipa makanzuru mukana wekuvandudza hupfumi hwawo.

Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vati kanzuru yavo iri kufara kuti gungano iri riri kuitwa muguta ravo vachiti vanotarisira kuti vachawana mazano ekugadzirisa mamwe matambudziko akatarisana nekanzuru yavo mushure mekusangana nemamwe makanzuru.

Mutauriri wekanzuru yeguta reHarare, VaMichael Chideme, vatsinhirawo kuti gungano rakadai rinobatsira kuti vemakanzuru vakwanise kuita nemazvo mabasa avanotarisirwa kuita nevagari kuburikidza nekupangana mazano nevamwe vavo.

Gungano reLOGIC riri kuunganidza makanzuru makumi matatu nemaviri emaguta nemadhorobha akasiyana siyana munyika uye rinoitwa nesangano reUrban Councils Association of Zimbabwe, uye rakatanga mugore ra2016.

Kunze kwemakanzuru emuno, pagungano iri, iro riri kupera nemusi weChina, pane vamiriri vemibatanidzwa yemakanzuru ekuSouth Africa neBotswana uyewo vemakambani anogadzira zvinhu zvinowanzoshandiswa nemakanzuru kusanganisira kambani yekuBritain yeZimbabwe Capital Connect inobatsira kukwezva mari inosimwa mumabhizimisi munzvimbo dzakasiyana dzakasiyana.

Nyaya Ina Taurai Shava - Logic Conference Investment Conference
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG