Accessibility links

Breaking News

Musangano weUNWTO Unopera muVictoria Falls neLivingstone


Victoria Falls
Musangano mukuru wechimakumi maviri we United Nations World Tourism Organisation (UNWTO) General Assembly, wapera neChina zvine mutsindo ku Victoria Falls, Colombia ichisarudzwa kuva nyika ichaitirwa musangano uyu muna 2015.

Colombia yakunda Cambodia iyo yanga ichidawo kuti musangano uyu uitirwe munyika mayo. Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti vari kufara nemafambiro akaita musangano uyu.

Gurukota rezvekushanya nekushanyirwa kwenyika va Walter Mzembi vanoti musangano mukuru we 20th session weUnited Nations World Tourism Organisation (UNWTO) General Assembly wange uchiitirwa kuVictoria Falls ne Livingstone wakafamba zvakanaka uye wapera zvakanaka nhasi.

VaMzembi vanoti nyika dzange dziri pamusangano uyu dzakatsidza kuti hurumende dzenyika pasi rose dzinofanirwa kutsigira mabasa ekushanya nekushanyirwa kwenyika sezvo izvi zvichibatsira musimudzira hupfumi hwenyika.

Nyanzvi mune zveupfumi nevamwe vanoita mabasa ezvekushanyirwa kwenyika vanowirirana kuti panofanirwa kuitwa zvakawanda kuitira kuti bazi rezvekushanyirwa kwenyika risimuke zvakare.

Izvi zvinotevera kuwanda kwevanhu vakashanyira Victoria Falls panguva yemusangano mukuru uyu, huwandu hwunonzi hwakadzosa ndangariro kumazuva ekare Zimbabwe ichiri nzvimbo yaidiwa zvikuru nevashanyi.

Kambani yendege yeAir Zimbabwe inonzi yakashandawo zvinonwisa mvura mukutakurwa kwevashanyi. Vamwe vanoti hurumende inofanirwa kuita zvakawanda mukukwezva vashanyi vekunze pamwe nevemunyika, zvakaita sekuderedzwa kwemari dzinobhadhariswa vashanyi kuti dzifambirane nedzinobhadhariswa nedzimwe nyika, uye kushambadzwa kwakasimba kwenzvimbo dzekushanyirwa kuzvizvarwa zveZimbabwe nezvekunze.

Nhengo yekomiti yaironga nezvemusangano we UNWTO kuVictoria Falls, VaBlessing Munyenyiwa, vanoti musangano uyu wakabatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika,

Ukuwo nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute Of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa neZimbabwe kuitira kuti vashanyi vakawanda vatange zvakare kushanyira Zimbabwe sezvavaiita manyakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG